‘Siyanai nehuwori

26 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
‘Siyanai nehuwori

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

MUIMBI ari kusimukira mumusambo weSungura, Cloud Mugasa, uyo anoimba nechikwata cheParuwere Super Sounds,  anoti veruzhinji vanofanira kusiyana nenyaya dzehuwori sezvo dzinodzosera shure budiriro yehupfumi hwenyika.

Mugasa akataura mashoko aya mushure mekubura dambarefu rake idzva rinonzi Rwendo Rweupenyu.

Dambarefu rake iri nderechipiri kubva paakatanga kuridza uye rekutanga rinonzi Why Not iro raakabudisa muna2012.

“Chinangwa changu pakuparura nziyo dzangu kuramba ndichipa dzidziso dzakadzama kunyanya dzine chekuita netsika nemagariro edu pachivanhu. Padambarefu rangu idzva iri pane nziyo nhanhatu. Panziyo idzi pane kanonzi Bata Basa ako kanopa dzidziso yekuti kana munhu awana basa anofanira kushanda nesimba pasina kunyozera nekuti ndipo panobva chehuviri,” anodaro Magasa.

Anoenderera mberi achiti, “Pakambo aka ndiri kukurudzira veruzhinji kuti vanofanira kuchengetedza mabasa kupfurikidza nekushanda nesimba uye kusiya huwori nekuti hunokanganisa mabasa nekuvhiringidza kufamba zvakanaka kwehupfumi hwenyika. Vanhu ngavagutsikane nezvavanowana pamabasa kwete kuda kupfuma nehuwori kana kuba.”

Padambarefu idzva iri pane kamwe kambo zvakare kanonzi Kurambana Ndokunei? Ako Mugasa anoti kanodzidzisa kuchengetedzwa kwewanano.

“Mukudanana kana paine wawakavimbisa unenge wadaro nemwoyo wese. Zvinoshamisa mazuvano kuti dzimba zhinji dziri kuputsika asi vanhu vanenge vavimbisana kugarisana zvakanaka hupenyu hwese. Vanhurume kana vanhukadzi havafaniri kunyengedzwa nemafaro enyika, kubatwa neruchiva kana kunyengedzwa nehama neshamwari kuti vasiyane nevadiwa vavo. Vana vakakura vabereki vasiri pamwe chete vanokura vasina rutsigiro rwakakwana uye havana nguva yekudzidziswa tsika dzakanaka nevabereki vese nekuti panenge paine makakatanwa pakati pevabereki vavo,” anodaro Mugasa.

Muchinda uyu anoti ari mushishi yekugadzira mavhidhiyo edambarefu rake idzva uye achange ave kuita mashoo kunzvimbo dzakasiyana-siyana munyika munguva pfupi iri kutevera achisangana nevatsigiri vake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>