Uncategorized

‘siyanai nekuromba’

11 May, 2018 - 00:05 0 Views
‘siyanai nekuromba’ Sadunhu Nembudziya

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VERUZHINJI vanokurudzirwa kuti vakoshese tsika nemagariro evanhu vatema uyewo nekuti vasiyane nekuromba mishonga yakaipa sezvo kuita uku kuchizokonzera matambudziko makukutu kumhuri dzavo.

Mashoko aya akataurwa naSadunhu Nembudziya, VaSamuel Shamuyedova (54), vekuGokwe zvichitevera kurasika kwetsika dzechivanhu uko vanoti kwanyanya.

“Mukatarisa mhosva dzemumatare edu echivanhu, dzinoratidza kuti vanhu havachatevedza chivanhu chedu chinofambirana nemitemo. Saizvozvi, tinonzwa nyaya dzekupondana kuchinzi kuchekeresa kuti mabhizimisi afambe uyewo nyaya dzemakunakuna nedzehuroyi dzawanda.

“Mhosva dzekuputswa kwetsika dzechivanhu wave mugariro. Isu tinoda kuti vanhu vadzokere patsika dzedu dzekare,” vanodaro.

Vanoti vane imwe nyaya yavakatonga yemuzukuru nasekuru vakatorana ndokutanga kugara vose semurume nemudzimai.

“Pane murume anonzi Prichard Ncube wekuVillage 12 B uyo akasara otora muzukuru wake – Irene Muziki – mushure mekunge afirwa nemurume vachibva vagara vose semurume nemudzimai guva remurume uyu risati rarohwa uyewo nyaradzo isati yaitwa.”

Sadunhu ava vanoti pamutemo wechivanhu, hakuna munhu anobvumirwa kuroorwa kana kuroora guva reanga ari mudikani wake risati rarohwa. Vanoti sekuru nemuzukuru ava vakamira mudare ravo ndokuvabata nemhosva yekuita makunakuna nekupisa guva.

“Pamhosva yemakunakuna takavati mombe nhatu – murume mbiri nemudzimai imwe chete. Pane yechipiri yekupisa guva, tikavatiwo mombe pamunhu. Pamwe chete, murume acharipa mombe nhatu, mukadzi mbiri.

“Tinoita izvi kuitira kudzosera chivanhu pakare,” vanodaro Sadunhu Nembudziya.

Vanotiwo pane imwe nyaya yehuroyi yakaitika kwaMakore, kwaSabhuku Chipunza iyo yavakagadzirisa pasina muripo.

“Tine vanhu vanoti Taurai Zishiri uyo akauya mudare redu achinanga Erasmus Mushaikwa huroyi hwekushinhirana muminda nemudzimba. Takatsvaga machiremba nemaporofita vakanogadzirisa nyaya iyi,” vanodaro.

Vanoti vaona kuti nyaya iyi yaisapera, vakazopinza vezvemweya avo vakazoipedza.

“Takaendesa vanhu ava kunochenura misha yevaviri ava vainangana huroyi paine mapurisa edu nemakurokota angu.”

Vanoti havabvumire kunangana kwevanhu huroyi iyo yavanoti imhosva, vachiti kana vanhu vakonana, ngavaende kumatare echivanhu vobatsirwa sezvo vamwe vachiguma votemana nematemo kana kurwisana.

Share This:

Sponsored Links