‘Siyanai nezvinodhaka’

25 May, 2018 - 00:05 0 Views
‘Siyanai nezvinodhaka’

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VATAMBI vekarate vokurudzirwa kuti vasiyane nekutora zvinodhaka uyewo nekuti vave nehunhu hunoyemurika kana vachida kusvika kure mumutambo uyu.

Kurudziro iyi yakaitwa namuzvinabhimizisi Sensei Collen Utete (46) avo vanove mutsigiri mukuru wekarate pamwe nemutambi wemutambo uyu zvakare pagungano remhemberero dzekusvitsa makore makumi maviri chikwata cheMai Musodzi Hall Shukokai Karate Club chavambwa idzo dzakaitirwa kuMbare, muHarare nguva yadarika.

Chikwata ichi – icho chinotungamirirwa naSensei Clover Musariri – chakavambwa mugore ra1998.

Sensei Utete, avo vaive muenzi anoremekedzwa pagungano iri, vanoti zvakakosha kuti vatambi vasatore zvinodhaka.

“Mutambo wekarate unoita kuti miviri yedu igare yakasimba uyewo tichikwanisa kuzvidzivirira matinofamba kana mudzimba dzedu kubva kune vanoda kutirwisa. Asi nyaya huru ndinoti vari mumutambo uyu hatisiyanei nekutora zvinodhaka nekuteverawo marokwe kana kuita zvevarume kuvanhukadzi nekuti miviri yedu kana tikadaro inoguma yapera simba totadza kuenderera mberi nemutambo uyu. Asi kana mazvitadza, kune vanoda kunwa doro moregawo kuraradza monwa zvine mwero,” vanodaro.

Vanoyambirawo vatambi vekarate kuti vave nehunhu hwakanaka, vorega kuita tsika yekurwisa vamwe vanhu. Sensei Utete – avo vane bhandi reblack belt uye vakadzidzira mutambo uyu paMai Musodzi Hall zvakare, vanoti nzvimbo iyi yabura shangwiti dzekarate dzinodarika 1 000 pamakore makumi maviri adarika.

Zvakadai, vanorumbidzawo Sensei Musariri – avowo vane bhandi reblack belt third dun – nekuzvipira kwavo mukubatsira kusimudzira vechidiki mumutambo uyu.

“Tinotenda zvikuru Sensei Clover Musariri nekudzidzisa vechidiki mutambo uyu pano pamakore makumi maviri aya ndichitsigirana navo nezvavanoda zvose. Tine vatambi vedu vanobuda kunze nevamwe vari muno vanopinda mumakwikwi akatsaukana uko vanouya nemamenduru akasiyana, vanosanganisira Tungamirai Madzimbamuto, Brian Kupara, Trevor Goba nevamwewo avo vaita kuti nzvimbo ino ive nemukurumbira. Tine mamenduru makumi mashanu atawana pano kuburikidza nevatambi vakapfuura nepano,” vanodaro.

Sensei Utete vari kubatsira mune zvose zvinodiwa nechikwata cheMai Musodzi Hall uyewo vakabatsira kuti kunzvimbo yeMarirangwe, kuBeatrice kutangwe kudzidziswa karate kuchitungamirirwa naSensei Madzimbamuto.

Zvakadai, Sensei Musariri vakazotendawo kubatsirwa uko vari kuitwa naSensei Utete ndokuvakurudzira kuti varambe vakadaro.

“Pane chose chatinoda pano tinoitirwa naVaUtete, mbatya dzemitambo, mari dzekufambisa nekuenda kumakwikwi nezvimwe ndivo vanotipa kana motokari dzekufambisa chaidzo. Izvozvi tava nedhojo idzva kuMarirangwe kuburikidza navo,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>