Uncategorized

Soul Jah Love naSeh Calaz vari kutotsvagawo nzira

15 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Soul Jah Love naSeh Calaz vari kutotsvagawo nzira

Kwayedza

URI kuenda wega here kana kuti pane vari kukuendesa, zvichireva kuti uri kuendeswa kufanana nekuitiswa? Variko vamwe vanoti kana vabvunzwa vopindura kuti ndangonzi ndiende nekuti vamwe vari kuenda.

Kuenda kunoda uchiziva kwauri kuenda, kwete kungoenda nekuti waona nzira. Hadzisi nzira dzese dzinoenda kwadzakananga. Uye kungoenda nekuti waona vanhu vari kuenda, unogona kupedzisira wapinzwa muchimbuzi chevakadzi iwe uri murume. Unochatiswa paWhatsApp.

Ndiri kutsvaga vanotevera Jesu, mwanakomana waMwari.

Variko here vanhu vekuti nyangwe vakasabuda pachena kuti maKristu, munozongovabata chete nekuda kwehunhu hwavo?

Nekuti mumwe mufundisi akati vamwe vanhu vanozviti maKristu dai vaitsvagirwa mhosva yekuve maKristu vaizongoregerwa nekuti panenge pasina humbowo.

Une hukama naJesu here? Unogona kutaurira Satani kuti akusiye nekuti haana chake chauinacho akazvibvuma here? Hapana kanonhuhwa kari pauri kanoshevedza nhunzi here?

Ndiri kubvunza kwete kuti ndikunyadzise, asi kuti Mweya Mutsvene akubatsire kuti unyatsoziva kuti umbori ani chaizvo.

Kuziva kuti ndiwe ani mumhuri, pabasa, mumba, mubasa kana muchechi kwakakosha.

Saka wati iwe tikakutorera yunifomu yako yekuchechi, kana tikakubvisa gemenzi, tsvimbo nendebvu dzako unoramba uri madzibaba here? Unonzi muKristu here?

Ndiri kuramba chiKristu cheDisplay, chekufitwa neyunifomu, chekufamba wakabata Bhaibheri kana kungotaura zvaMwari paStatus yako.

Ndiri kutsvaga kuziva kuti uri muKristu nekuti unoda Jesu here? Ndiri kutsvaga kuti uri muKristu mamwe mazuva here, asi mamwe hausi? Uri muKristu pane dzimwe nzvimbo here, asi kana wasvika pamwe hausisiri? Kumhanya zviripo!

Ndiri kutsvaga munhu anoti muKristu zvekuti akati kune mumwe ari kurwara, “Ndichakunamatira kuti upore,” anonomunamatira zvechokwadi. Ndiri kutsvaga muKristu anobvunza saCleopas nemumwe wake kuti sei patafamba naJesu mwoyo yedu yanga isiri kupisa.

Ndiye muKristu asina mukanwa munodhirikira semahwindi muchitsitsirira vanonzwa neRough.

Ndiri kutsvaga muKristu asingafinhure vaakagarisana navo, asi anofinhura Satani nekuti anenge asingashandiswe sechifinhu. Ndiwo mubvunzo wangu. Uri waJesu zvekuti saDavid unoti hushefu hwako hauna basa kudarika kutambira Mwari here?

Vazhinji vedu tinoti tiri maKristu, asi tiri maKristu zvechokwadi here? John Wesley aitaura nyaya yekuti munhu ngaatendeuke zvekusara anyatsoibva chaizvo.

Vazhinji vedu tinoti tiri vaJesu, asi Jesu ane paanotaura nezvezuva richamira munhu wese pamberi paJehovha.

Pazuva iroro, vazhinji vanozviti ndevaJesu vachashamisika kuti Jesu achange achitoshamisikawo navo kuti vanoti ndevake asi iye asingavazive.  Ndakambozviona zvichiitika, mumwe munhu akafara achiona munhu waaifunga kuti anoziva. Akaenda kwaari achitutuma nenyemwerero achida kumukwazisa, asi munhu waaida kukwazisa akaratidza kushamisika kukuru zvekuti haana kana kutambanudza ruoko rwake kuti amukwazise. Akangoti, “Ndimi ani? Handikuzivei.”

Nyaya yekurambwa naJesu haisi yekuda kukufinhura, asi inyaya yakataurwa naJesu pachezvake kuti ichaitika.

Kana uchirwadziwa nekurambwa nemurume kana mukadzi wako, ko kuzorambwa nemusiki wako kunokusiya wave papi?

Kana uchichema kuti wadzingwa basa, kunzi naJesu, “Ibva kwandiri, handikuzive,” kunouraya.

Nguva zvaichiripo kudai, musiwo uchakavhurika kudai, buda munzira isingakusvitse kwauri kufunga kuti ndiko kwauri kuenda.

Tevera Jesu, kwete mwoyo wako. Tevera Jesu kwete muporofita. Tsvaga Jesu  umutevere, kwete kutevera Soul Jah Love naSeh Calaz nekuti kana naivo vari kutotsvagawo nzira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>