Spaghetti ine minzi

29 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Spaghetti ine minzi

Kwayedza

SVONDO rino Shamiso Mapfumo wekuMkoba 6, kuGweru, anotsanangudza mabikirwo espaghetti yakasanganiswa nenyama yemombe yakagaiwam, iya inodaidzwa kuti minzi.Kudya kwespaghetti kunonaka kuvanhu vemazera ose nekuti hakuna zzvekuti une mazino here kana kuti kwete uye hakufufutire kana wadya.

Zvinodiwa:

Spaghetti, mvura, munyu, mafuta, minzi, godzamuto (minced garlic), grated parmesan cheese nepasta souce.

Mabikiro:

Fashaidza mvura ine munyu nemafuta wokanda spaghetti usina kuityora-tyora.

Mushure memaminitsi gumi ekufashaidza, bura spaghetti wogeza nemvura yakachena.

Dzosera spagetti iya pamoto zvakare wosiya zvichishinyira kwemaminitsi angaite mashanu.

Bika minzi parutivi, wochekerera hanyanisi, matomatisi nekukurungira godzamuto.

Unogona kuisa zvakare chipunu chegarlic yakagaiwa kana uchida nepasta souce.

Kana zvaibva, chisanganisa neminzi. Mwaya cheese yakachekwa-chekwa nemuchina (grated parmesan cheese) pamusoro wobura hako wodya nemhuri.

Aiwa, unozviruma rurimi nekunakirwa!

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti +263 713411281

 

Share This:

Sponsored Links