Spaghetti nenyama yemombe

0

SPAGHETTI kudya kwakareruka uye kune utano sezvo kuchipa macarbohydrates nemapuroteni.
Svondo rino, Richard Sakurima wekwaMutare anotitsanangurira mamwe mabikirwo espaghetti yakasangana nenyama yemombe.
Zvinodiwa?
Nyama yemombe, spaghetti, matomatisi, hanyanisi, green pepper, munyu, mafuta nebeef spice.

Mabikiro:
Cheka nyama yemombe uchiita zvidimbu zvidiki.
Chifashaidza mupoto kusvika yaibva.
Kana muto wava mushoma, isa munyu wakaringana uye kana wapera chikanga nemafuta mashoma kusvika nyama yatsvukira.
Chekerera hanyanisi negreen pepper wokanga.
Kanda matomatisi aunenge wagireta wopindura.
Siya zvikwate kwemaminitsi mashanu wowedzera tumvura tune beef spice kuti muto ukore.
Wozodii?
Chibika spaghetti Yako parutivi kuburikidza nekufashaidza kwemaminitsi mashanu wokuna mvura. Chipakura munakirwe nemhuri.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share.

About Author