Uncategorized

St Angela yopakura dzidzo yepamusoro

20 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
St Angela yopakura dzidzo yepamusoro

Kwayedza

CHIKORO cheSt Angela Academy icho chiri kuBorrowdale, muHarare, chinoti vana vechikoro vanofanira kuva shasha mukudzidza, kuita zvemitambo pamwe nekuva nehunhu hwakanaka.

Mukuru wechikoro ichi, Mai Margaret Bhowa, vanoti vane shuviro yekuti vagare vachibura vana vanotungamirira ramangwana mune zvakasiyana siyana kubva muzvidzidzo pamwe nemitambo.

Vanoti izvi vari kuzvivandudza kuburikidza nekupa vana vepachikoro chavo dzidzo yemhando yepamusoro.

“Chikoro chedu chiri kupa vana fundo yepamusoro kuburikidza nekudzidza zvidzidzo zvekuti vazonyora bvunzo dzeCambridge. Bvunzo idzi tinodzida sechikoro chakazvimirira uye tinoti dzidzo yedu inofanira kufanana nezvimwe zvikoro, pasava nemusiyano wekuti zvikoro zvakazvimirira hazvidzidzwe.

“Saka takaona kuti bvunzo dzeCambridge dzinorodza pfungwa dzevana vedu uye vanenge vaine zvitambi zvinotambirwa kune dzimwe nyika,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kuti dzidzo yedu ifambe zvakanaka, takaisa chirongwa chekuti mudzidzisi mumwe nemumwe anofanira kuva nevana gumi nevaviri chete. Izvi zvinoita kuti vana vanyatsonzwisisa uye kuti mudzidzisi ave nenguva yakakwana pamwana wega wega.

“Huwandu hwevana uhu hwakanakirawo kuti mudzidzisi anoziva zvinodiwa nemwana mumwe nemumwe nekuti vanenge vari vashoma uye vari nyore kudzoreredza nekudzidzisa kuti vakasike kubata.

“Chikoro chedu chinopa zvidzidzo kubva paFomu 1 kusvika kuFomu 6 uye tinodzidzisa maArts, maSciences nemaCommercials.”

Vadzidzi vepaSt Angela

Vanoti pachikoro chavo hapana rusarura.

“Pakudzidzisa kwedu, hatina rusaruro kuti munhu akaremara kana kuti ndewerudzi rwupi, tinopa mikana yakaenzana kuvana vose vanoda kuva nedzidzo yepamusoro. Izvi tinozviita kuti mwana wose anofanira kuwana kodzero yedzidzo yakakwana pasina zvinomudzivirira.

“Tiri kufara zvakanyanya pakuti pari zvino pass rate yedu iri pa90%. Ndiri kufarirawo kuti chikoro chedu chiri kuramba chichiwedzera panyaya dzekupasa kwevana kubva zvachakatanga muna2014,” vanodaro Mai Bhowa.

Vanotizve pachikoro chavo pane nzvimbo dzebhodhingi uye mutemo wekuti vana 4 pakamuri yoga yoga kuti vagare vakasununguka.

Mai Bhowa vanoti vanoshuvira kuti vana vepachikoro chavo vanofanira kuva nehunhu hwakanaka.

“Chimwe chezvirongwa zvikuru zvatiri kuita pachikoro chedu ndechekupa kunharaunda dzakatipoteredza. Izvi tiri kuzviita kuburikidza nekupa chikafu nezvimwewo zviwanikwa kumisha inochengetwa nherera nevanoshaya pamwe nevakwegura. Chikoro chedu chinounganidza chikafu, zvipfeko kana mari zvekupa kuvanhu ava kuti vawane raramo yakafanana nevamwe.”

Vanoti vanodzidzisawo vana kuzvibata panyaya dzepabonde.

“Izvi tinozviitira kuti vana, kunyanya vanasikana, vasakasira kuita zvepabonde vachidanana nevanhu vakuru kwavari zvinova zvinoita kuti vazowana zvirwere zvepabonde zvinosanganisira utachiona hweHIV,” vanodaro.

Mai Bhowa vanoti chikoro chavo chiri kuitawo zvemitambo uye chinonyanya kukunda mumakwikwi evolleyball nebasketball.

Vakahwapura mikombe yasiyana-siyana mumakwikwi emitambo iyi.

Share This:

Sponsored Links