Uncategorized

Star FM: ‘Tiri kupemberera’

26 Jun, 2014 - 15:06 0 Views
Star FM: ‘Tiri kupemberera’ General manager weStar FM, Admire Taderera

Kwayedza

General manager weStar FM, Admire Taderera

General manager weStar FM, Admire Taderera

NHEPFENYURO yazezesa muZimbabwe nekupa vatereri dapurahunanzva rezvirongwa zvinofadza nekudzidzisa, yeStar FM, nemusi weChitatu svondo rino yakasvitsa makore maviri kubva payatanga kutepfenyura uye iri kutenda vose vaitsigira kusvika pari zvino.
Star FM yakavambwa mugore ra2012 apo yakatanga kutepfenyura musi waChikumi 25.
Inzwai varume nevakadzi vari kutyaira chitima cheStar FM vachitaura:

General manager weStar FM, Admire Taderera: “Ndinotenda vatereri nevashambadzi nekutsigira kubvira tichivambwa. Ndinoyeuka zvikuru musi wakabarwa nhepfenyuro ino, payakatanga kutepfenyura, zvichiri kundishamisa zvikuru kuti tasvitsa makore maviri tichipakura zvirongwa zvemandorokwati.

“Tine mufaro mukuru nekuti patakatanga taisaziva kuti tichazoita mukumbira wakadai. Aiwa, vatsigiri vedu tinovatenda nekuti ndivo vanoita kuti basa redu rifambe.

“Makore maviri haasi ekutamba nawo, tiri kukura uye tiri kuona chiedza chakanaka kumberi kwedu nekuti rutsigiro rwatiri kuwana kubva kuvatereri vedu rwunosimudzira nekufadza.

“Zvakafanana nekubara mwana womuona achikura, ndizvo zvatakangoita neStar FM. Tiri kukura uye tiri kuvimbisa zvirongwa zvakawanda zvinofadza kuvatsigiri vedu.

“Patakatanga vamwe vana vedu vaive vasina ruzivo rwakanyanya rwepanhepfenyuro asi takashanda navo tikavabika kuti vave shasha dzekupakura zvirongwa pamwe nenhau dzinodakadza.

“Tine vakaita saNdumiso Dube uyo anoshanda pamwe nebepanhau reKwayedza kutsvaga nhau dzinonakidza dziri kuitika munharaunda dzatinogara.

“Aiwa, vana vedu vave kuita basa rinonakidza, unotozviramba kuti vakatanga kutepfenyura makore maviri adarika.”

Mutambo wekupemberera kukura kweStar FM uri kuitirwa kuRajiv Gandhi Hall, kuExhibition Park, muHarare neChishanu chino.

Zimpapers, kambani huru pakudhinda mapepanhau anosanganisira Kwayedza, H-Metro, Sunday Mail neThe Herald, ndiyo zimai reStar FM.
* * *

Nicola “Nikki” Ndoro (producer/presenter): PaStar FM tinosevenza zvakasununguka uye tinobatsirana mubasa redu. Kana uchida kuziva zviri kuitika munyika, enda paStar FM.
* * *

Ishmael Ndlovu (chief bulletins editor): Star FM iri kuramba ichikura zuva nezuva uye tiri kushanda nesimba kuti tirambe tichipakura nhau dzemandorokwati.
* * *

Tilder Moyo-Karizamimba (presenter/producer): Tinotenda vatereri vedu nerutsigiro rwavo. Ini ndakatanga kushanda paStar FM nguva pfupi yadarika asi ndiri kushamisika nerutsigiro rwavari kundipa uye handaifunga kuti chirongwa changu cheTilder Show chingaite mukurumbira wakadaro nenguva pfupi-pfupi.
* * *

Kudzai Violet Gwara “KVG” (presenter): Vateereri vedu tinovatenda nerutsigiro rwavatipa makore maviri adarika. Vanga vanesu kubva patakatanga. Svondo rino huyai ‘tiridze pfuti’ tichifara.
* * *

Ndumiso “Skywalker” Dube (producer/presenter): Tiri kufara kuti tiri kukura zuva nezuva. Tiri kuenda mberi, musatityire.
* * *

Beatrice Tonhodzayi-Ngondo (assignments editor): Tiri kushanda nechikwata chevanhu vanoda basa ravo uye vane matarenda akasiyana. Tiri kutarisira kuramba tichikura mumakore anotevera. Isu tinoshanda takabatana nemapepanhau ese eZimbabwe Newspapers ayo anotibatsira nekutipa dzimwe nhau dzinenge dzichiitika.
* * *

Siphathiswe Mpofu (presenter): Patakatanga zvaityisa sezvo taisaziva kuti zvichabudirira here. Tine mufaro mukuru kuti vatereri vedu vakatitambira nemawoko maviri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey