Sugar beans: Gwenzi remari

02 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Sugar beans: Gwenzi remari Sugarbeans chirimwa chinopa pundutso kuvarimi vakawanda kunyanya ukachirima nemazvo uye nenguva inova ino yatiri.

Kwayedza

Philip Matombo
TINOKUKWAZISAI Varimi kumativi mana enyika mvura ichidai kusanaya zvakanaka. Vamwe varimi vaknga vakarima zvindima zvavo vachida kudyara chibage kana soya beans mvura ndokubva yarambira mudenga.

Zvisinei, zvindima izvi tinogona kudyara sugar beans sezvo yava nguva yacho. Apa ndipo panotora murimi mukana wekuita mari nesugar beans pamusoro pezvirimwa zvatakarima zviri kukura.

Sugarbeans chirimwa chinopa pundutso kuvarimi vakawanda kunyanya ukachirima nemazvo uye nenguva inova ino yatiri. Pamusoro pekutipa mari, dzinotipa kudya kwemaproteins sezvo dzimwe nguwa tisingakwanisi kutenga nyama uye dzinosiya kudya kwenitrogen muvhu, inozova top inozoshandiswa nechirimwa chinotevera.

Kurima sugar beans kwakanakira kuti dzinokurumidza kuibva  dzotipa mari nokukurumidza. Kune vanorima fodya   yemadiridziro, vachingopedza kukohwa  fodya wanokwanisa kudyara sugar beans vozvambura zvavo mari.

Tinokukurudziraiwo kuti kana pane chinzvimbo chinodiridzika, kana mvura ikasanaya zvakanaka kunyanya padzinoita maruva tidyare ipapo. Varima sugar beans haunetseki pakudzitengesa sezvo kumisika kuine makambani akasiyana anodzida nekuzvikoro zvemaboarding dzichidiwa nemari inowanzotangira pa$1 200 kusvika ku$1 600 patonne.

Mitengo yakati kwirei inowanzowanikwa  mwaka wati fambei, kunyanya munaNyamavhuvhu kusvika muna Zvita, ndipo panoimbwa nemurimi. . .huya uone kutapira kunoita kurima nembeu dzeSeeed Co nekuti “kuti Seed Co ndiko kuti mbeu . . . kuti mbeu ndokuti Seed Co”

Zvinoderedza goho:

Kushandisa mbeu dzisina kuuchikwa zvinoderedza goho sezvo kazhinji dzinenge dzisingatiriri zvirwere uye dzisina simba rakanyanya rekukura (hybrid vigour). Saka tinokukurudzirai kuti mutenge mbeu dzakauchikwa kubva kuna sahwira wenyu Seed Co. Kusadzipa kudya kwakakwana kwemafotereza nekusafirita kudzivirira nekurapa zvirwere nekuuraya zvipembenene , kunonoka kudyara mvura yoenda dzisati dzaibva.

Kusiya minda ine sora richidya fotereza yatatenga ichidhura uye kusava nemadzinde anotarisirwa pahekita zvinokanganisa. Zuva rikarova padzinoita maruwa kusinganayi zvinonyanya kuderedzawo goho. Tikagadzirisa izvi tinotarisira kuti tichava nemukoho wakanaka torimira nyika igute tirege kutenga sugar beans kunze kwenyika torasikirwa nemari

Mhando dzembeu (Varieties):

Chekutanga sarudzai mbeu yakauchikwa inopa goho guru uye inotivirira zvirwere. KuSeed Co tine mbeu mbiri dzakanaka samare zvekuti mukadzirima hamuzodi kudzirega. Mbeu yekutanga yatakakuuchikarai inonzi Sc Bounty. Mbeu iyi yakaonekwa kuti ine kudya kwakati wandei kwakafanana neIron neZink zvinova zvinobatsira hutano kumhuri yeZimbabwe. Inopa goho rinodarika 2t pahekita dzikarimwa nemazvo uye nenguwa.

Inotora mazuva  85-115 kuti ikohweke zvichisiyana nekwawairimira uye inotivirira zvirwere zvakawanda zvinobata sugar beans . Sc Bounty inonaka ikabikwa semuriwo uye pakudya kwemangwanani nechingwa. Sc Bounty yakanakirazve kuti inokurumidza kuibva pakubika.

Sc Sharp imbeu ichangoburwa zvekuti pamusika yava kutowanika izvozvi. Ine goho guru rinosvika pa2t/ha nekudarika. Mbeu iyi inotikurumidzei kuibva sezvo ichitora mazuva 80-100 kuti mutange kuikohwa uye  inotivirira zvirwere zvakawanda zvinobata sugar beans, inorimika muivhu gobvu (red soils) kana mushapa (sand soils).

Mbeu mbiri idzi pakudya dziri kutengeswa  nemutengo wakanaka unoita iwo $60 pa  25kgs.

Kurima minda:

Mbeu yeSugar beans inoda kurimwa pakadzika 25-30cm kuitira kuti midzi yembeu ikure zvakanaka, ikwanise kutora  chikafu nehunyoro. Kana pasi pakaoma tinogona kutanga tapadiridza kuti gejo ridzike uye mavhinga aite mashoma. Vanoshandisa mombe pakurima tinogona kupwanya mavhinga nekaHarrow kaya kanodhonzwa nemombe kuitira kuti sugar beans dzedu dzimere zvakanaka.

Kudyara:

Tinotarisira kuti ivozvi kusvika pakati paKukadzi varimi chipatapata kutenga mbeu yenyu yeSeed Co muchibva madyara kuitira kana tichishandisa mvura yemudenga. Pakudyara tinogona kushandisa maplanter, kuisa mitsara nemombe, vanhu vachishandisa tambo. Mitsara yedu  inofanira kudzika 4-5cm uye kubva pamutsara kusvika pane umwe 45cm-60cm (row spacing), kubva pashanga kusvika pane rimwe shanga mumutsara 10cm (inrow spacing).

Tinotarisira kuwana madzinde 220 000 pahekita imwe ichida 80-100kgs dzembeu. Ngatiisei fotereza mumutsara tichitarisira kuisa 150-200kgs pahekita imwe asi tinokukurudzirai kuti titange taongororesa ivhu redu kunaana mazvikokota, ngatifushirei fetireza kuti isabatane nembeu sezvo ichipisa mbeu zvikabatana. Pane mushonga unonzi Apron Star wamunotreater (wamunosanganisa nawo) mbeu isati yadyarwa kuitira kudziwirira mbeu yedu kuzvirwere nezvipukanana kwemavhiki maviri kusvika kumavhiki matatu mbeu yamera, tozodyara mbeu yedu tofushira netuvhu tune udzamu usingadariki 3cm tapedza todiridza hedu nekuisa mushonga wesora unoiswa mbeu nesora zvisati zvamera. Uyu mushonga unoti chipei kudarika patinozoisa mushonga wesora Sugar beans dzedu dzamera.

Marketing(Kutengesa Sugar Beans):

Tinokukurudzirai varimi kuti musati madyara tangai kutsvaga kwekuzotengesera musazotambura asi Sugar beans hadziori uye hadziwanzonetsa kutengesa sezvo dzichidiwa kuma Boarding School, kumakambani akawanda neku Mbare musika. Tinotarisira mari inoita $1 200.00 kana kudarika patonne imwe zvichireva kuti pahekita imwe unogona kuwana $2 400.00 washanisa $600-$800/ha zvichireva izvo kuti unogona kuisa $1800 muhomwe seprofit pahekita. Apa vana vangatadze kuenda kukuhikoro here nekudya nekupfeka zvatinoda.Kuti Seed Co ndokuti Mbeu . . . Kuti Mbeu Ndokuti Seed Co

l Philip Matombo murimisi weSeed Co achibatika pa: 0772572497 / 0731572497

Share This:

Sponsored Links