Uncategorized

‘Sungira imbwa dzako’

29 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso—

NYAYA yembwa yakaita kuti vavavikadzani vadhonzerane kumatare edzimhosva apo mumwe aiti vana vake nehama dzake vari kupfuviswa nekurumwa nembwa dzemumwe.Eliah Nyarudza akamhan’arira mudzimai akangozivikanwa saMhukutu kuHarare Civil Court achiti haagone kuchengetedza imbwa dzake idzo dzinopedzisira dzoruma vana vake.

“Ane hunhu hwakashata, handizive kuti anoda kuti tirarame sei kana achirega imbwa dzake dzichiruma vana vangu pamwe nevaenzi. Imbwa dzake dziri kundivhiringidza mufaro wangu pamusha,” anodaro Nyarudza. Anoti ane hama dzake mbiri dzakamushanyira nguva yadarika idzo dzakazorumwa nembwa dzaMhukutu.

“Ndakatoenda kumapurisa nenyaya iyoyo akasvikobhadhariswa faindi yekuti achengete imbwa dzake zvakanaka. Munhu wekupi anochengeta imbwa gumi dzose achingodzirega dzichipembera nenyika?

“Chinonyanyondirwadza ndechekuti kana dzakaruma vanhu haatombokumbire ruregerero, anobva atanga kundituka nemashoko anonyadzisira. Nditori nemifananidzo yacho seumboo,” akadaro. Mhukutu akapikisana naNyarudza achiti imbwa dzake dzinogara dzakachengetedzwa.

“Zvaari kutaura manyepo nekuti imbwa dzangu dzinogara muwaya, musha wangu ndakaupoteredza newaya. Zvekuti ndine imbwa gumi ndezvemanyepo, imbwa dzangu imbiri chete.

“Zvakare, muDamafalls mune imbwa dzakawanda dzinongomberereka saka chii chinoratidza kuti imbwa dzaari kutaura ndedzangu?” akadaro Mhukutu.

“Ini imbwa dzangu hadzidye sadza kumba kwake saka handizive kuti anodzivengerei. Chikumbiro chake chaari kuunza pamberi pedare chakadhakwa,” akadaro Mhukutu.

Mutongi Yeukai Dzuda akati vaviri ava vadzoke kudare kuti vazonzwa mutongo wavo.

Share This:

Sponsored Links