‘Susukidzai dzidzo inounza pundutso’

03 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

MUTUNGAMIRI wenyika, President Mugabe, vanoti vechidiki vanofanira kushingirira munyaya dzefundo kuitira kuti vakwanise kuva nepundutso muupenyu.

Vachitaura muHarare svondo rapera kugungano rezviuru nezviuru zvevatsigiri vebato reZanu-PF zvaive zvaungana kutsigira hutungamiriri hwavo, President Mugabe vanoti zvakakosha kuti vechidiki vadzidze kuitira kuti vakwanise kuzvishandira.

Gungano iri, rinodaidzwa kuti Million Man March, rakarongwa nechikamu chevechidiki mubato riri kutonga reZanu-PF.

“Tinoda kuonawo vechidiki vaine mabasa, tinoda zvakare kuona vechidiki vachizvishandira. Vechidiki vanofanira kuve nezvavanoita zvinovabatsira, nekudaro tinoda kuti vechidiki vadzidze.

“Hongu, tose hatingafunde zvekuwana madhigirii, asi vana vose vanofanira kushingairira kudzidza kusvikawo padanho reO-Level. NeO-Level, unokwanisa kutsvaga zvekuita zvinokubatsira woga.

“Asi tine zvikoro zvepamusoro (makoreji nemayunivhesiti) uko vechidiki vanokwanisa kudzidziswa kuti vave nezvavanokwanisa kuita,” vanodaro President Mugabe.

Vanoti kune vamwe vanhu vane zvipo zvavakazvarwa vainazvo izvo zvinofanira kuvandudzwa kuburikidza nedzidzo.

“Vanoveza, kusona nekuruka. Zvakanaka zvakadaro, iyi ndiyo nzira inofanirwa kuteverwa. Ndiko kunonzi kuzvishandira.

“Kana uchizvishandira, unokura paduku nepaduku, wopinza munhu mumwe basa voramba vachiwanda kuita vatatu kana vana, wozopedzisira wave nebhizimisi rako, kambani yako duku. Ndizvo zvatinoda kuona,” vanodaro President Mugabe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey