‘Susukidzai mitauro yemuno’

18 May, 2018 - 00:05 0 Views
‘Susukidzai mitauro yemuno’ Sen Jane Chifamba

Kwayedza

Tandayi Motsi
DARE reSenate riri kukurudzira kukosheswa kwemitauro yemuno kuburikidza nekunyorwa kwemabhuku ari pamusoro pemitauro iyi.

Mashoko aya akataurwa nemumiriri weRushinga muSenate, Senator Damian Mumvuri, svondo rapera apo vaipa pfungwa dzavo muhurukuro yaive pamusoro pekusimudzirwa kwetsika nemagariro evanhu.

Sen Mumvuri vanoti zvakakosha kusimudzira mitauro yemuno.

“Ndinowirirana nepfungwa yekuti tinofanira kusimudzira mitauro yemuno uye Hurumende iri kuedza nepose painokwanisa kutsigira danho iri. Nyaya iripo chete ndeyekuti hapana zvekushandisa, vanhu havazi kunyora mabhuku ari pamusoro pemitauro yavo. Vanotaura chiTonga havasi kuda kunyora, vanotaura chiKorekore hatisi kuda kunyora mabhuku,” vanodaro Sen Mumvuri.

Vanoenderera mberi vachiti, “Vanhu vanofanira kukurudzirwa kuti vanyore mabhuku aya. Kusimudzirwa kwemitauro kunofanira kukosheswa. Tose tinofanira kushingairira kudzidza mitauro yose. Vachipawo pfungwa dzavo muhurukuro iyi, mumiriri weMashonaland East, Sen Jane Chifamba, vanoti zvakakosha kuti vanhu vadzidze mitauro yemunharaunda dzavanenge vachishandira.

“Zvatiri kutaura ndezvekuti kana uri munharaunda yaunoshandira, dzidza mutauro wenzvimbo iyoyo. Regai ndipe muenzaniso wakanaka, ukaenda kune imwe nzvimbo uri mukoti, varwere vanouya vokuudza matambudziko avo asi nekuda kwekuti unenge usingabve munharaunda iyoyo, hauzive tsika dzavo, haufe wakaziva kuti ungataure navo sei vanhu ivava,” vanodaro.

Vanoti kune vamwe vashandi vakadai semaVillage Development Community Officers (VIDCO) avo vasingazive tsika nemitauro emunharaunda dzavanenge vachishandira, zvinoita kuti vasakoshese nzvimbo dzinonzi dzinoera nekuda kwekusaziva chivanhu chemunharaunda.

“Ndiri kuramba ndichisimbisisa kuti zvakakosha kudzidza mitauro netsika dzinotevedzwa munharaunda yaunenge uchishandira kuti zvinhu zviendeke,” vanodaro Sen Chifamba.

Bumbiro remutemo reZimbabwe rinocherechedza pamwe nekukoshesa mitauro 16 yemuno inoti Shona, Chewa, Chibarwe, English, Kalanga, Koisan, Nambya, Ndau, Ndebele, Shangani, Sign language, Sotho, Tonga, Tswana, Venda neXhosa.

Pasi pebumbiro remutemo wenyika iri, Hurumende inosungirwa kutora matanho ekuona kuti mitauro iyi yasimudzirwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey