Tachoboka: Zifa

28 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Tachoboka: Zifa

Kwayedza

Abel Ndooka —
SANGANO reZimbabwe Football Association (ZIFA) rinoti harina mari yekuti rigadze murairidzi wemaWarriors sezvo richizokundikanda kumutambirisa mwedzi wega-wega.

Kubva apo Kalisto Pasuwa akasiiswa basa rake neZifa rekurairidza maWarriors, sangano iri range richimbokumbira Norman Mapeza kubva kuFC Platinum naSunday Chidzambwa kuZPC Kariba kuti varairidze maWarriors mumitambo yakasiyana.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, mutevedzeri wemutungamiri weZifa — Omega Sibanda — anoti kushanda kwavari kuita nevarairidzi vezvimwe zvikwata zvemuPremier Soccer League zvinorakidza kuti sangano ravo harina mari uye kwavari zvakachipa sezvo varairidzi ava vasingazovabhadhare.

“Hatina mari zvatinogara tichitaura, tikagadza murairidzi anenge ave kutarisirwa kutambiriswa mari mwedzi wega-wega, isu hatizvikwanise nekuti mari yacho hapana. Saka tiri kutoshanda nevarairidzi vezvikwata zvinokwikwidza muPSL avo vatisingabhadhare, tinozongovapawo mari dzebhonasi kana vahwina. Tinototanga takumbira kuzvikwata zvavo kuti vangouye kuzorairidza mutambo mumwe chete kana miviri,” anodaro Sibanda.

Anoenderera mberi achiti sangano ravo riri kutemeswa musoro nezvikwereti zvakasiiwa nebhodhi raCuthbert Dube naJonathan Mashingaidze uye vari kutsvaga nzira dzekubhadhara zvikwereti izvi.

“Isu tichipinda, takasangana nezvikwereti zvevamwe zviri kutitemesa musoro zuva nezuva asi tiri kukwanisa kufambira mberi nebasa redu pazvese zvatinenge tichida. Izvi zvinozivikanwa nemunhu wese kuti hatina mari asi vamwe vanhu vanongogona kutaurisa chete, dai vachimbotipawo kana $0,25c chaiwo pamwe vaitigonera,” anodaro Sibanda.

Share This:

Sponsored Links