‘Takasoterwa mabhurugwa edu nen’anga’

29 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
‘Takasoterwa mabhurugwa edu nen’anga’

Kwayedza

‘. . . murume wedu achiziva’

MADZIMAI maviri — ayo anga akaroorwa pachipari asi wanano yavo vose ndokuzoparara — vari kupomera aimbove murume wavo mhosva yekutora zvipfeko zvavo zvemukati ndokuenda nazvo kun’anga, uko zvakanoshinhirirwa nemishonga kuitira kuti iye amire kubhadhara mari yemendenenzi yekuchengeta vana vavo.Noster Chikwavarara (29) wekuUnit P, kuChitungwiza anova vahosi naDorcas Mukonoweshuro (34) wepanhamba 15334 Zengeza 2, kwekare kuChitungwiza, vakashanyira mahofisi eKwayedza vachipomera Mafu Kudzi Batira (38) mhosva yekushinha nezvipfeko zvavo zvemukati.

Senzira yekuda kutsinhira zvavari kureva, vaviri ava vakaenda neKwayedza kun’anga yekuHatcliffe, muHarare, iyo yavanoti yakabvuma kwavari kuti ndiyo yakapihwa zvipfeko izvi ichinzi izvigadzire.

Vose vanoti vakatosiyana nemurume uyu uye mumwe nemumwe wavo akasiiwa aine vana vaviri.

Mafu Kudzi Batira

Chikwavarara akatoroorwa nemumwe murume waava nemwana naye.

Zvisinei, Batira haasi kuda kutaura zvakawanda pamusoro penyaya iyi kunze kwekungoti madzimai maviri aya ari kumunyepera.

Achitaura neKwayedza panhare nezwi riri pasi-pasi, Batira anoti anoziva munhu ari kufamba achitaura nezvenyaya iyi.

“Handina kumbotora chipfeko chemudzimai wangu chemukati. Ndinoziva munhu ari kutaura izvozvo,” anodaro achibva angoramba anyerere panhare.

Chikwavarara anoti akatorerwa chipfeko chake chemukati naBatira, uyo akaenda nacho kun’anga Sekuru Rajer yekuHatcliffe, muHarare, inova chizvarwa chekuMalawi.

“Mudzimai mudiki, Dorcas, ndiye akakurira kuHaticliffe, saka pandakaendesa masamanisi emendenenzi kumurume, Dorcas akabva ataurira murume kuti kune n’anga yaigona kutsipika nyaya iyi. Vasvika kwaSekuru Rajer, ndiko kwavakanobvisa $100 asi Mafu anonzi akati aitoda kuti ndipenge kana kufa kuti nyaya iyi itsakatike.

Dorcas Mukonoweshuro ari pamba pen’anga

“Vakaenda nechipfeko changu chemukati nebhodhi (bra). Zvose izvi handaizviziva, asi ndakatanga kurwara ndichitevera kasingagume kubva muna2015 kusvika zvazopera ndanonamatirwa kumachechi emweya,” anodaro Chikwavarara.

Anoti nyaya yekugadzirwa kwake akatanga kuinzwa kumachechi kwaainamatirwa asi akazonyatsodudzirwa chokwadi nemudzimai mudiki uyu, apo akatsinhira kuti ndiye akaperekedza murume wavo kun’anga vaine chipfoko chake chemukati.

Anotiwo Batira akazomuendera kune imwe n’anga zvakare akanomugadzira izvo zvakaita kuti ave nedambudziko rekuzvimba makumbo.

Mukonoweshuro anotsinhira kuti akaperekedza murume wavo Batira kun’anga yekuHatcliffe.

“Sekuru Rajer ndaiziva vari n’anga inobatsira, saka pakauya mapepa emendenenzi ndakaperekedza murume wedu kwavari kuti titsipike nyaya kuitira kuti mutongi wedare asazomuomesera bedzi.

“Ini ndakazoshamisika tirimo mun’anga iyi murume wangu ava kuiudza kuti iuraye munhu kuti nyaya ipere. Zvechokwadi takaenda nechipfeko chamaiguru chegreen kuna sekuru chiri mupepa vakachigadzira nemishonga.

“Vakapa murume wangu mushonga wekuti anoisa pazvinhu zvinenge dziwa zvinobuda pamumwe muti vachiti kungoyerera uchidonha kwawo kunoreva kuti maiguru vanenge vachibva vangofa,” anodaro.

Nyachide Mukonoweshuro anoenderera mberi: “Pamhiko yerufu, Sekuru Rajer vakatichaja US$120 asi murume wangu akabvisa US$100 achiti aizopedzisa imwe kana munhu afa. Asi paakaona munhu asina kufa, haana kuzoendesa US$20 yainge yasara. Ndiko kusaka akazoenda kune imwe n’anga yechiMalawi zvakare asi iri yechikadzi iri kuEpworth, inova yakamupa mushonga wekuti maiguru vazvimbe muviri nemakumbo.”

Anoti mushonga uyu waiva muchikoko chemachisi asi waiva nemhiko yekuti hawaitenderwa kupindwa nawo mumba, saka vakaenda kunoucherera pasi.

“Murume wangu akazoenda kumba kwamaiguru pasina mazuva achiita sekunge anoda kuvanyengerera kuti vadzokerane asi akanga achida kuona kuti muviri wavo wainge wazvimba here. Akadzoka achifara achinditi, ‘Zvinhu zviya zvaita!’

“Akasvika maiguru vachichema nemakumbo ainge akazvimba,” anodaro Mukonoweshuro apo ainge agere pedyo namaiguru vake Chikwavarara muhofisi yeKwayedza.

Mukonoweshuro anoti akarwadziwa nekuita uku achibva atuma munin’ina wake kuti anotaurira Chikwavarara kuti afambe mumaporofita kuti abatsirwe.

Anoti akazoenda kumudzimai wen’anga iyi akanopihwa chipfeko chemukati chaChikwavarara uye mishonga yemhiko izvo vakazopisa.

Mukonoweshuro anoti iyewo akatorerwawo chipfeko chake chemukati naBatira apo akanga anzwa nezvekuti ari kudawo kunomurevera mendenenzi yevana vaviri vaakasiirwa, zvisinei nekuti haasati asangana nedambudziko rekurwara.

Kwayedza yakaenda nevakadzi ava kumba kwen’anga Sekuru Rager kuHatcliffe ndokusvikonzwa kuti yakashaika uye mudzimai wayo ainge asipo pamba.

Batira anonzi pari zvino ari kushanda muchitoro kwaMutare uye ava nemumwe mudzimai uyo anoshanda kukambani inogadzira chikafu ikoko.

 

 

 

PIX&CAP: Kutorerana zvipfeko

Mafu Kudzi Batira

Noster Chikwavarara

Noster Chikwavarara achitaridza makumbo ake akazvimba

Dorcas Mukonoweshuro

Dorcas Mukonoweshuro ari pamba pen’anga

Video

Share This:

Sponsored Links