Tamirira Caps: DeMbare

01 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Tamirira Caps: DeMbare

Kwayedza

. . . pasina Dynamos hapana bhora: Mubaiwa
. . . totokunya dzisimbe: Zvirekwi

Abel Ndooka —
MUTUNGAMIRIRI weDynamos FC, Kenias ‘Kenny’ Mubaiwa, anoti pasina DeMbare hapana nhabvu nekudaro zvikwata zvese zvinotamba navo zvinotokunya dzisimbe sezvo zvinenge zvichida kutora zvibodzwa kwavari.

Dynamos chimwe chezvikwata zviri kukwikwidza kutora mukombe wePremier Soccer League mwaka uno.

DeMbare iri kurwira kuenda pamusoro pelog apo pakafanogarwa neChicken Inn, kunyangwe hazvo Dynamos yatamba mitambo mishoma pane yemaGamecocks pamwe neNgezi Platinum iyo iri pechipiri. Achitaura svondo rino apo chikwata chake chiri kugadzirira kusangana neCAPS UNITED mumutambo weHarare Derby Part 1 nemusi weSvondo kunhandare yeNational Sports Stadium, Mubaiwa anoti vange vakamirira mutambo uyu zvikuru.

“Chikwata chese chikanzi chiri kutamba neDynamos, chinotokwinya uye chinotamba zvekuti chinenge chichida kunzi vakunda Dynamos saka mutambo wedu wesvondo rino neCAPS UNITED takaugadzirira,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Kunyangwe tikanzi titambe nemaQueend chaiwo anotouya akakwinya otamba imwe nhabvu yepamusoro vachida kutikunda voenda vachifara kuti vakunda Dynamos.”

Mubaiwa anoti vakapa murairidzi wavo – Lloyd Mutasa – nguva yekuvaka chikwata chake izvo zvave kuunza mufaro kwavari pamwe nevatsigiri nematambiro ari kuita vatambi vavo.

“Vanhu vanongomhanya kutaura kuti hee mudzingei basa hapana zviri kuitwa, asi isu takatora danho tikamuti ngaavake chikwata chake uye tiri kuona chiri kutamba nhabvu inonwisa mvura. Kana mukadyara mbeu haikure ipapo ipapo, inotoda nguva pamwe nekudiridzwa kuti ikure mugoona zvirimwa zvacho, maguta obva auya,” anodaro Mubaiwa.

Anoenderera mberi nekurumbidza kaputeni wechikwata chavo – Ocean Mushure – uyo waanoti ari kutamba nhabvu inonwisa mvura mwaka uno uye ari kutarisirwa nevatsigiri kuti anogona kuhwina mubairo weSoccer Star of the Year.

“Ocean ari kutamba sakaputeni, ndizvo zvatinotarisira kana uri mutungamiriri. Tinomushuvira zvakanaka muhupenyu hwake uye akaramba akadai anosvika kure,” anodaro Mubaiwa.

KENNY MUBAIWA

Nekuve rimwe divi, kaputeni weCAPS UNITED – Hardlife Zvirekwi – anoti chikwata chavo change chiri panguva yakaoma chaizvo uye chinotofanirwa kukunya dzisimbe.

“Mitambo yese yatichatamba kubva svondo rino kusvika mwaka wapera tinotofanirwa kutamba sekunge ifainari yemukombe uye tinofanirwa kuhwina yese,” anodaro Zvirekwi.

CAPS UNITED, iyo yave kusimuka zvakare palog zvichitevera kutatarika kwayambenge ichiita, ichange isina mutambi wayo wekumberi Dominic Chungwa sezvo akatemerwa zvirango nePSL zvichitevera kupihwa kwaaita mayellow cards matatu mwaka uno.

Chungwa ange achinwisa paanodira kubvira apo akadzorwa kuchikwata ichi kuzotsiva Abbas Amidu uyo akabva achienda kuEygpt.

Kepe-kepe ichange isina zvakare mumwe mutambi wayo, Ronald Pfumbidzai, uyo akatengwa neBloemfontein Celtic yekuSouth Africa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>