Uncategorized

Tamirira kuunzwa mutsindo

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views

Kwayedza

MUSANGANO uya wanga wakamirirwa namaziso matsvuku (6th National People’s Congress), musangano webato riri kutonga, bato rakarwira rusununguko reZanu-PF, watanga muguta reHarare.

Musangano uri kuitwa pasi pedingindira rinoti “Accelerated Implementation of Zim-Asset”, zvichireva kuti musangano unotarisirwa kubuda nezvirongwa zvichaita kuti chirongwa chokuvandudza mamiriro ezvoupfumi, cheZimbabwe Agenda for Sustainable Socio-Economic Transformation, chikurumidze kubuda nezvinhu zvinobatika, kuti vanhu vagute, vabudirire! Kana nzvimbo iri kuitirwa musangano wacho, yeCivic Centre kuseri kweHarare International Conference Centre, yakagadzirwa zvokuratidza kuti hapana zvokupedza nguva nenyaya dzaana tsuro nagudo.

Congress ya2014 yaita chishamiso kuvazhinji zvokuti dai muimbi Thomas Mapfumo akange ari munyika angadai akavandudzawo kambo kake “KuCongress” kaakaimba pakaitwa Congress yokutanga yeZanu-PF mushure mokuwana kuzvitonga kuzere. Mukambo ikako kana mhuka chaidzo akadzikoka kuenda kuCongress – kupa mucherechedzo wokubatana munyika. Zvaive zvenguva iyoyo nokuti chimwe nechimwe chine nguva yacho.

Asi nhasi uno tave kudzora ndangariro, tinobva tati hanga waingove mutsindo wekatsi waiitwa naMapfumo? Mutsindo wekatsi makambounzwa, kana kuti munoziva kuchema kwayo? Iyo katsi ine makumbo ane tunzara twunomara nokukuvadza kudaro, ingaita mutsindo unganzwikwa nani?

Ndiri kuita zimunzwa rinobaira mundove, kuruma ndichifurudzira. Musangano uchitanga kudai mushure mokupiringishana pakati pevatsigiri muZanu-PF, pane vari kukwenya mhuno nekasiyanwa, mhesva mikono, vana tinhai dzirwe dhibha harina mhuru, vakazvipira kuti musangano urege kupera zvakanaka vanhu vachienda kunobata basa rokuti chirongwa cheZim-Asset chive nechimiro nepundutso.

Varipo vakamirira kuti zvinhu zvisafambe zvakanaka, wozonzwa vave kuti maionaka Zanu-PF yenyu iya?

Makwikwi okuona mafambiro namaperero omusangano anoburitswa zvakanyanya nemapepanhau nokunhepfenyuro napachivhiti-vhiti. Musi wa2 Zvita pepanhau reDaily News rakarapanura zviri kuitika muZanu-PF pasi pomusoro unoti, “Mugabe’s silence frightening” (Kunyarara kwaMugabe kwovhundutsa). Ndomumwe zvakare mutsindo wekatsi wakaitwa nebepa iri.

Zvakashamisa ndezvokuti munhu ainzi anyarara zvinovhundutsa akabva ataura musi iwoyo President Mugabe pavakasangana nohutungamiri hwavarwi vorusununguko navatungamiri vamapazi echiuto nokuchengetedzwa kwenyika. Ipapo, President Mugabe vakaratidza kuti kunyarara hakusi kutaura.

Chinoshamisa ndechokuti kakawanda zvikuru mutungamiri wenyika vachitsoropodza nyaya ye”factionalism” mubato reZanu-PF, kunyanya vanhu vaipomerwa kuti ndivo vanotusva “factionalism”, kunyange zvavo vakange vasingavadome namazita.

Hongu Cde Mugabe somutungamiri weZanu-PF vanofanirwa kupa musangano gwara nohutungamiri hwakatwasuka. Asiwoka, ko vatungamiri vema”faction” basa ravo nderei? Handivo here vanofanirwa kuona kuti vateveri vavo vasiyana nenyaya dzemhirizhonga, vabatana? Munyori weDaily News haana kuzviona here izvi?

Munyori wepepanhau iri sei achifunga kuti kusawirirana kwese kunenge kwaitika kunofanirwa kupedzwa nokurwisana?

Kana achipomera mutungamiri wenyika mhosva yokuti atadza kutungamira musangano kuti ufambe zvakasununguka, kana naiyewo somutapi wenhau, sei ari kukurudzira kuti vanhu varwisane?

Mupfungwa dzakapihwa mumazwi mashoma shoma mupepanhau iri, unoona zviri mberi nezvinofungwa navanhu vanoti zvido zvavo kunyanya. Asiwo zvakare unoonawo kuti pasi pomusuva wesadza pane chii. Haisi nyaya yokuti muZanu-PF vatadza kuwirirana chete, asi kuti inyaya iri kutambanudzwa, nyaya ine varidzi vayo. Munyori uyu ari kungoitawo basa ravaridzi.

Hondo yepfungwa, inove hondo yokurwira zvido zvavanhu venyika dzokumadokero yakatanga pakaumbwa bato reMDC Morgan Tsvangirai achisusukidza zvido zvavapambepfumi haiperi, kunyange zvazvo MDC yave kumakuva.

Mapepanhau akavambwa akatengesa pfungwa iyi. Vakatanga tsoro yacho vaiziva kuti uyu kana akatadza, kunouya vamwe, zvichingodaro, kusvika Zimbabwe yaita sedzimwe nyika dzomuAfrica dzinoti dzine kuzvitonga kuzere, asi pfungwa namazano zvichibva kunyika dzakange dzakavapamba.

President Mugabe nemusi weChipiri vakataura kuti zvinosuwisa kuti African Union nhasi uno haioni kukosha kwesungano nokuti basa rave rokutengwa nemari chete nenyika dzokumadokero.

Vakatiwo chimiro cheAfrica iri pasi pesangano reOrganisation of African Unity chaive nani, pana nhasi uno, nokuti moyo yavatungamiri vazhinji muAfrica yarasa chimiro pamusana pokuda mari. Vakapawo muenzaniso wenyika dzakange dzakapambwa neFrance kuti hadzikwanisi kuzvimiririra pasina zvataurwa neFrance.

Saka rusununguko rweAfrica, makumbo enyoka here kana kuti mutsindo wekatsi?

Panopera Congress yeZanu-PF musi wa7 Zvita, inguva yokufunga kwatakabva, kuona patiri nokuzivawo kuti savanhu vakapihwa chiremera chokutungamira vanhu, zviito zvedu zvine chimuko here?

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>