‘ Tanga gadziriro dzekurima fodya’

17 Jul, 2014 - 17:07 0 Views
‘ Tanga gadziriro dzekurima fodya’

Kwayedza

VARIMI vanokurudzirwa kutanga gadziriro dzekurima fodya dzemwaka unotevera mumwedzi waChikunguru uno sezvo ino iri nguva yekugadzira mibhedha yembeu dzechirimwa ichi.
Makore adarika, kune mbeu yange ichirimwa zvikuru inova KRK26 kana KRK26R nekuda kwezvikonzero zvakawanda asi chikuru chiri chekuti hainetse kurima, kunyanya kune varimi vaye vanenge vachitanga kurima fodya.

Kana fodya iyi yakarimwa nenzira yemadiridziro murimi anokwanisa kukohwa matani anodarika mana pahekita uye kunyangwe isiri yekudiridzira inopa goho rinofadza kana yakawaniswa fetereza yakaringana.

Mbeu yemhando yeKRK26R ndiyo yoga inokwanisika kukohwewa ichiri neruvara rwegreen uye varimi vakawanda vanoti inotengwa nemutengo wakakwirira kumisika.

Inoita zvakare munzvimbo dzinopisa idzo dzisinganaye mvura yakawanda asi, zvisinei, mbeu dzeKRK28 neKRK29 ndidzo dzinonyanya kushingirira muzuva.

Kana yasvika, KRK26R inoda kukohwewa pakati pemazuva mana kana matanhatu oga-oga zvichireva kuti murimi anenge achida dhirihora rinopfuura rimwe chete rekupisira fodya iyi pahekita imwe chete. Mhando itsva yakada kufanana neKRK26R ndeyeT72, iyo ichiri kuongororwa. Ine shizha rakareba, ichirema zvakanaka kana yarimwa nenzira yemadiridziro uye izvi zvinoonekwa kuburikidza nekurimwa kwairi kuitwa neveTobacco Research Board kupurazi reKutsaga ichiitwa zvekudiridzira.

VeTobacco Research Board vanoti T72 inoda fetereza yakawanda kudarika KRK26R, zvose painoiswa mumibhedha nepainozosimwa mumunda.

Svondo rinotevera tichatarisa mhando yembeu dzinonoka kuibva – KRK64 neKRK66 – idzo dzinopa goho rakanaka zvisinei nekuti dzinenge dzarimwa nenzira yekudiridzira here kana kuti nemvura yekunaya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey