Tapson abatwa, ndokuzvitotesa

18 Mar, 2016 - 00:03 0 Views

Kwayedza

“Kugona mbava huirongera” naWinnie Zulu (73-78)

ONGORORO (Edererro mberi):

MaNdlovu mudzimai waSigonya anoda kuziva zvakawanda zvakaitika saka anobvunza mibvunzo yakawanda izvo zvinotaurwa zvichinzi ainaisa mibvunzo “semvura” (74). Panobatwa Tapson baba vake Masocha vanobva vapusa nazvo izvo zvinonzi “yainge huku yanaiwa” (77).

Tapson abatwa anosungwa kwava kukumbira kuendeswa panze asi vanomurambidza, murume kwava kuzvitotesa wanei mabhurugwa “ungati munhu anaiwa nemvura” (78).

Kudimikira kunoshandiswa kuti tione kuitika kwezvinhu. Thebe apedza kupinza mombe dzake mumashanga munhu anofamba zvine simba akananga kwaMafu kana kuti “ndakukanda nhanho” (73). Vanhu vakayambira Mafu nezvainge zvichiitika pamusha pake izvi zvinonzi “aiva arumwa nzeve” (75).

Pfungwa dzaNkonjeni dziri pakuti angabata sei munhu ainge achipindira mumba make kana kuti “mbavha yaiva yapaza ruzhowa rwake” (75).

Tapson aona kuti zviri kutaurwa zvainge zvananga iye, munhu anoita ushamwari nemhepo kwava kutiza izvo zvinonzi “. . . achiita chitsoka ndibereke” (77).

“Dai Ndakaziva Haitungamiri” naMapira Silitha (79-91)

Lindiwe nemurume wake David Moyo uyo akada kuti mukadzi wake aite kosi yeurairidzi pane imwe koreji yainge iri kuMasvingo David anokohomedzesa mukadzi wake kuti azvibate zvakanaka sezvo ainge ambonzwa kuti pakoreji iyi vakadzi vevanhu vakurambana nevarume vavo nepamusaka pekunakidzwa.

Lindiwe anotsidza pane murume wake kuti haazombofa akaita zvinonyadzisa zvakadaro, aipota achienda kuHarare kunoona murume wake nemwana wavo mukomana anonzi Tichaona. Nekufamba kwenguva David anozosarudzwa nevakuru vekambani yaaishandira kuti anowedzera ruzivo rwebasa rake mhiri kwamakungwa. Lindiwe anombonzwa kusurukirwa asi vaviri ava vanovimbisana kuramba vari murudo nekusingaperi. Mushure mesvondo, David abhururuka nendege akananga Britain, Lindiwe anosara achirongedzera kudzokera kuchikoro, mwana ndokumusiya kumusha kwake kuShurugwi sezvo ainge asingakwanisi kubhadhara musikana webasa aigara nemwana, nekunowo imba yavo yemuHarare ichisara ichigarwa nemunin’ina waDavid aipinda chikoro imo muHarare.

Paiuya tsamba dzaibva kunaDavid, aibva angopindurawo ipapo, David achiramba achiyeuchidza mukadzi wake shoko guru rekuzvibata.

Rimwe zuva anoshevedzwa kuhofisi yemudzidzisi wechidzidzo chechiRungu, VaChihombiro, uyo anokanda shoko rerudo kwaari. Anoedza kutaurira mudzidzisi uyu kuti iye mudzimai akaroorwa akatomuratidza mhete yemuchato asi murume uyu kana kumboratidza zvake kuti zvaiva nebasa kwaari.

Lindiwe anotaurira shamwari yake Susan iyo inomufurira kuti adanane nemudzidzisi uyu sezvo iye achidanana nemumwe uyo ari kumugarisa muupenyu hwakanaka. Kudoti ati David akazvinzwa angapona here, Susan ane rekuti ngaaronge chete.

Kwapera mazuva maviri Lindiwe anoshevedzwazve kuhofisi yamudzidzisi Chihombiro. Rume guru rinotanga kudetemba, Lindiwe kudoti pano nepapo, wanikei rume rashinga ndokubva raona kuti nyaya dzava kufamba sokuda kwaro. Lindiwe anozoerekana ava kubatsirawo, vaviri ndokupinda munyika yavo vega. Izvi zvinoita kuti VaChihombiro vatende Lindiwe kasingaperi vachimuyambira kuti abate hana nyaya irege kusvika munzeve dzevakuru vepakoreji.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links