Tatarisana nedambudziko idzva

17 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Tatarisana nedambudziko idzva

Kwayedza

Catherine Murombedzi
TINOZIVA kuti munhu akarwara anotsvaga rubatsiro mativi mana enyika, mumwe anoenda kun’anga, kumaporofita kana kuchipatara.
Takatarisana nedenda reAIDS, iro rava nemakore anosvika makumi matatu richitsvagirwa mushonga wekuripedza asi zvichikona n’anga murapwa achida, vazhinji vari kurarama neutachiona hweHIV nhasi vanonwa mushonga siku nesikati. Hakusati kwava nemushonga wekurapa denda iri asi kuti wekupedza kututuma kwaro chete, kutonhodzwa kweutachiona uko pachirungu vanoti HIV suppression.

MuZimbabwe, sangano reWorld Health Organisation (WHO) rakazivisa kuti vanhu vanorarama neutachiona hweHIV vava kusvika 1,4 miriyoni, pahuwandu uhu, vana vadiki vari kurarama neHIV vanosvika 114 356 (WHO 2013).

Kune vari kurarama neutachiona uye vakaparurwa kuva pachirongwa chema anti- retroviral therapy ARV vanozviziva kuti vanonwa mapiritsi aya kwehupenyu hwese. Anonwiwa kwehupenyu hwese nekuti maARV haapedze utachiona asi kuti anoderedza uturu chete, naizvozvo haamiri kunwiwa.

Kubva mugore ra2012, kwava nepiritsi rine mishonga mitatu iro rinonwiwa kamwe chete pazuva. Izvi zvava kureva kuti vakatanga kunwa piritsi iri havana dambudziko rekunwa mangwanani uye manheru sevazhinji vari pamapiritsi maviri pazuva. Vamwe vaikanganwa kunwa remanheru naizvozvo nepiritsi iri ndima yarerutswa zvikuru.

Dr Tapiwa Bwakura, avo vanoshanda kuchipatara cheHarare Central Hospital, vakazivisa kuti kwava nedambudziko guru ratarisana nezvipatara kubva kune vamwe vanhu vanorarama neutachiona hweHIV.

Vachitaura kumusangano wakaitwa neNational Aids Council mwedzi wapera muHarare, vakati nyika yatarisana nenhamo huru iyo inove yevanhu vanga vari pamushonga wemaARV avo vanowanikwa varegera kunwa sezvakatarwa nachiremba.

“Muchipatara mandinoshanda kuHarare Hospital tava nedambudziko guru, tinowana munhu apera nekurwara zvinotyisa mawoko ese akazara nezvibhengoro zvakanyorwa kuti ‘Ndiri mwana wemuporofita’. Vanhu ava vanove vari kuwanda svondo rega-rega vari kuzviisa panjodzi nekuti kuregedza mushonga kune njodzi huru zvekuti munhu uyu anotambura. Tinoedza nepatinogona asi munhu anenge ave nezvirwere gumi nefararira uye dzimwe nguva mishonga, kunyangwe yerudzi rwechipiri (second line ARV), inotadza kushanda. Dai vemakereke varega kunyepera vanhu nekuti vanhu vari kufa varega mushonga vachitenda kuti vaponeswa,” vakadaro Dr Bwakura.

Mashoko akataurwa naDr Bwakura aya ari kubuda mumukanwa memunhu ari kuzviona zuva nezuva saka hatidi anodzora tsvimbo nekuti gudo rabata kumeso.

sUtano hwakafanana nemunda unosakurirwa marara uchirasa kuti uve negoho rakanaka, mukuibva kwembesa hapashaikwe mhuka dzakaita semakudo nenguruve dzemusango dzinouya kuzokohwa padzisina kurima saka murimi wese ndipo paanowanikwa achichengetedza zvirimwa zvake.

Hapana munhu anorambidzwa kuenda kuchechi nyangwe ukapihwa bhengoro, muteuro kune vanenge vachienda kune venguwo chena asi kana uri pamaARV usambofa wakaregedza kuanwa nekuti ndiwo musimboti wehupenyu hwako.

Takanangana nevana vadiki, kuwanikwa mubereki kana muchengeti achiregedzesa pwere mushonga nekuda kwekuti anotenda kuti mwana aponeswa ndinoona huri humhondi chaihwo.

Mwana mudiki anotarisira kumukuru kuchengetwa, kupiwa chekudya, pekurara nedzidzo uye utano hwakanaka. Zvino kana munhu mukuru otora chitendero chake oberekesa mwana kusvika murufu hazvifadzi.

Benzi rinopembera nenyika asi richiziva chinoraramisa rakanaka, kutenda kwako ngakuve mumwoyo, kweparuzhinji ndekwekuda kuonekwa kune mubairo wako mune ramangwana.

Kuponeswa kwemunhu wese ari pamaARV kunobva mukuteedzera zvakatarwa musi wawakanzi iyi ndiyo mbuva yako yehupenyu hwese usave nemusi waunoti nhasi handinwe ndozozviona mangwana nekuti unotembedzanwa nevawaifadza uchisimudza mawoko uchidaidzira kuti ndapona.

Share This:

Sponsored Links