Kwayedza
. . . Chiyangwa otaura nezvekuhwinha kuCosaf
MUTUNGAMIRIRI wesangano rinoona nezvenhabvu munyika reZimbabwe Football Association (Zifa), Phillip Chiyangwa, anoti hapana chinotadzisa maWarriors kuhwina mukombe weAfcon zvichitevera kutora kwakaita chikwata ichi mukombe weCosafa svondo rapera.
Zimbabwe yakasimudza mukombe weCosafa apo yakakunda Zambia 4-2 mufainari yemutambo uyu kuPolokwane, kuSouth Africa. Chiyangwa anoti maWarriors munguva pfupi inotevera achange ave kuita gadziriro dzemutambo weAfcon apo achasangana neCongo kuStade Municipal deKintele kuBrazzaville muna Gunyana.
“Zvikwata zvizhinji zvemuAfrica takazvikunda saka hapana chinotitadzisa kuti tirwire mukombe weAfcon, tinozviita uye tichazviita, Afcon ndiyo yatave kuda.
“Asi chikuru ndechekuti titange tabudirira kuenda kumutambo uyu muna Gunyana,” anodaro.
Anoti maWarriors ave kukodzerawo kukwikwidza muWorld Cup.
“Tinotodawo zvikuru kuona chikwata chedu chichienda kumitambo yakaita seWorld Cup nekuti zvinhu zvinofadza senyika. Saka ngatione kuti zvinofamba sei mukurwira kuenda kuCameroon nekuti ndicho chekutanga chatakatarisana nacho iye zvino,” anodaro Chiyangwa.
Mashoko ake anotsinhirwa nemurairidzi wemaWarriors – Sunday “Mhofu” Chidzambwa – achiti hapana chinovatadzisa kuhwina kuAfcon.
Chidzambwa anoti ishuviro yake nenyika yese kuhwina mukombe uyu sezvavakaita weCosafa.
“Tine vatambi vane tarenda rinonwisa mvura uye vanotamba nhabvu yepamusoro saka hapana chinotitadzisa kuhwina mukombe weAfcon ndiwo watave kuda. Saka tinofanirwa kuhwina mitambo yemuboka redu ratiri toenda kuCameroon kunokwikwidza. Ndinoziva chaizvo kuti tine chikwata chakasimba uye tinogona kusimudza mukombe weAfcon,” anodaro.