Hutsanzi ngahuve hunovaka nyika, kwete kuparadza

03 Jul, 2014 - 06:07 0 Views
Hutsanzi ngahuve  hunovaka nyika,  kwete kuparadza

Kwayedza

ZIMBABWE inozivikanwa zvikuru pasi rose munyaya dzedzidzo sezvo iri iyo iri pamusoro munyika dzemuAfrica yose kana pari pakugona kunyora nekuverenga. Kana pari pakushandisa njere nehunyanzvi, hakuna nyika ingati pwe-e. Ndokusaka zvizvarwa zvenyika ino zvakatekeshera mumabasa akasiyana pasi rose. Izvi zvinorumbidzwa zvikuru.

Asi zvakadaro, zvisinei nemukurumbira wedu munyaya dzefundo, pane zvimwe zvinoitika mumagariro evanhu zvekuti kudai vamwe vaishandisa hutsanzi hwavo hwesainzi pakuti nyika ibudirire, tingadai tiri pamusoro chaizvo pedzimwe nyika munyaya dzesainzi.

Apa takanangana nenyaya yekushandiswa kwemishonga, zvikuru iyo inokuvadza vamwe. Hongu, kune vamwe vasingatendi kuti kune mishonga yakaipa inokwanisa kukanganisa upenyu hwevanhu asi semaonero edu izvi zvagara zviripo. Hazvibatsiri kuti titi hazvipo asi paine umboo hwakazara hwekushandiswa kunoitwa mishonga iyi nevamwe.

Tine muenzaniso wenyaya mbiri dzatinadzo svondo rino, dzemadzimai maviri ayo akazvimba matumbu zvakadarikidza. Vose vanonzi vakagadzirwa nemishonga. Pakutanga madzimai aya anoti aifunga kuti ane pamuviri ndokuenda kuzvipatara uko vakaonekwa vasina nhumbu.

Chiri kunetsa panyaya yemadzimai aya ndechekuti vose vanoti vave nemakore mana matumbu avo akangozvimba uye zviri pachena kuti hakunai mimba dzinotora nguva yakareba kudaro. Mumwe wemadzimai aya anoti ane fungidziro yekuti akashinhirirwa nemuramu wake uyo waanoti akamupfimba asi iye ndokumuramba.

Svondo rapera zvakare, Kwayedza yakaburitsa nyaya yemumwe murume uyo atambura nedumbu pamwe nemakumbo izvo zvakazvimba uye pane fungidziro yekuti akaisirwa rukwa nevanhu vaakabira.

Hongu, kune vamwe vanogona kuti zvichida nyaya dzekuzvimba matumbu kwemadzimai maviri aya pamwe nemurume uyu hadzinei nechekuita nekushandisirwa mishonga yechivanhu yakaipa asi kuti pamwe utano hwavo ndihwo husina kumira zvakanaka.

Asika, izvi hazvireve kuti mishonga yakaipa inokuvadza vamwe hakuna nekuti kune mimwe yakaita seyemubobobo, iyo yekuti munhu anopinda pabonde nemumwe asingazvizive.

Vamwe vanotozivikanwa nekugadzira mheni dzinorova kana kuparadza vanhu, zvipfuyo nezvivakwa. Ivava vanotozviti vane hunyanzvi.

Pamusoro pezvo, pane mutemo uri unonangana nenyaya dzehuroyi, uyo unoti kana munhu akananga mumwe huroyi anofanira kupa umboo hwakakwana. Zvose izvi zvinotsinhira nyaya yekuti mishonga yakaipa iriko.

Muchidimbu tiri kuti dai hutsanzi hwose huri kushandiswa mukubata-bata mishonga yakaipa iyi hwaishandiswa kusimudzira nyika kudai Zimbabwe iri pamusoro chaizvo munyaya dzesainzi.

Hutsanzi hwedu ngaushandiswe kuti nyika iburirire kwete kukuvadza vamwe zvisinei nekuti munhu anenge akakukanganisira zvakadini.

Kana munhu achinge akutadzira zvakanaka kumuregerera nekuti kutsiva ndekwaMwari uye shamhu yaJehovha inorwadza kudarika yemunhu. Ngativei nehutsanzi pazvinhu zvinovaka nyika kwete zvinoparadza.

Share This:

Sponsored Links