Tete vane utsinye

21 Jun, 2014 - 00:06 0 Views

Kwayedza

NYAYA yekushungurudzwa kwemumwe mwana ane makore maviri okuberekwa, uyo aigarorohwa natete vake mushure mekunge azviitira tsvina sezvo asingagone kutaura, yakanobudira kuchipatara apo akaendeswa kusikero.Tete vekamwana aka vakabatwa nemhosva nedare reChitungwiza Magistrates’ Courts ndokutongerwa kubvisa faindi ye$80 uye kukundikana kwavo vaizonodya refovhoro kwemazuva 20.

Muchuchisi wedare reChitungwiza Magistrate Courts, Tendai Mukariri, akati Letwin Kambasha, uyo anova mukoti pachipatara cheChitungwiza Central Hospital, rimwe zuva akanga ari mushishi yekuyera vana apo akaona kamwana aka kakasvapuka pachidya uye kazere nemavanga izvo zvakamushamisa.

Kambasha akanoudza mukuru wake pabasa uyo akamuti abvunzisise kuti chii chakange chiri kuitika kumwana uyu.
Kambasha akazobvunza Lindiwe Gwingwi (20), uyo ainge auya nemwana uyu, akataura kuti aigara achirohwa natete vake, Joyce Gara (29), vepanhamba 1775 Unit A Seke, kuChitungwiza apo anenge atadza kutaura kuti aida kuenda kuchimbuzi izvo zvaiita kuti azviitire tsvina mumabhurukwa.

“Ndakanga ndichiyera vana apo ndakaona mwana akasvapuka ganda muzvidya uye aine mavanga mavanga okuratidza kurohwa ndakazobvunza ndaudzawo mukuru wangu pabasa.

“Ndakazoudzwa kuti mwana ari kurohwa natete vake mushure mekutadza kutaura kuti ari kuda kushandisa chimbuzi zvakandityisa nokuti mavanga acho ainge asingaite. Nokudaro takazosungisa tete vacho nekuda kwemuitiro wavo wekumbunyikidza mwana,” akadaro Kambasha.

Kambasha akanzi nemukuru wake wepabasa atore Gara, Gwingwi nemwana uyu avaendese kuSocial Welfare uko Gara akazosungiswa.

Mutongi Lazarus Murendo akati hunhu hwekumbunyikidza vana itsika isina kunaka zvachose nokudaro Gara akanzi abvise US$80 yefaindi uye kana akundikana aizovharirwa mujeri kwemazuva 20.

Share This:

Sponsored Links