Tete

21 Jun, 2014 - 17:06 0 Views

Kwayedza

Takatorerwa pfuma yose
Kunemi tete
Ndiri mukomana ane makore 23 ekuzvarwa. Baba vangu vava nemakore gumi vashaya, amai vakashaya gore radarika iri. Dambudziko ravapo nderokuti pakugovewa kwakaitwa pfuma yevabereki zvose zvavanga vakashanda zvakatorwa nehama.  
Vekumusha kwaamai vakauya vakatora midziyo yose zvayo yekubikira, hama dzababa dzakatorawo zvipfuyo nemagejo. Saka musha wakasara usina chokubata kunze kwedzimba dziri pamusha.
Takasara tiri vana chete. Ndini mukuru tiri vana vakomana vaviri nevasikana vaviri.  Hama dzose dzekumusha kwababa hakuna kana anombofunga nezveupenyu hwedu kana kumbouyawo, chinorwadza ndivo vakatora hupfumi hwevabereki vedu. Vana sisi vangu havasati vasvika pazera rekuti vangawanikwa. Handizivi kwatichasvika nehupenyu hwedu hwakaoma kudai. Zvimwe dai vana ambuya mai vababa kana vamai vari vapenyu taiwana pekutangira.  Ndibatsireiwo tete ndanyora tsamba iyi ndichisvimha misodzi. Vana vaamai vangu ndovapei?
Titus Chiwara.
Muzarabani.

Tete vanopindura
Dambudziko rako igukutu uye rinorwadza. Makare kare paigovewa zvinhu zvemufi vana vaisiirwa zvavo, zvekare paiva paine nhaka yainzi ndoinosiirwa muchengeti wevana kuti aishandise pakuchengeta nherera. Mazuva ano tava kuziva kuti baba naamai vava kushandira mhuri yavo.
Kugova nhumbi changova chirango chekungoparadza mbatya shoma asi zvose zvichisarira vana vemufi. Midziyo yose inosarira vana uye ndiwo mutemo wenyika ino. Zano randinokupa nderekuti iwe enda kwamambo kana sadunhu wenyu unomutsanangurira nyaya yako, kune mitemo inochengetedza nherera kubva kuhama dzine hudyire.
Hakuna kana sadunhu asingazive kuti misha haiparadzwe, inosiirwa vana.
Ukaona sadunhu asina kukubatsira enda kumatare edzimhosva.
Tete Chipangamazano.

Mukadzi haasi kundiremekedza
Kuna tete
Ndiri murume ane makore 45 ekuberekwa. Dambudziko rangu nderekuti kuroora kwangu kwese handisi kuwanawo mudzimai anondiremekedza semurume wake.
Mukadzi wandinaye ndewechipiri, ndine vana vaviri iye mukadzi wangu ane vakewo vaviri. Dambudziko ravepo iko zvino ndere mwanakomana wemudzimai wangu anongoramba achindituka achiti ndini ndakarambanisa amai nababa vake.
Iko zvino vave kutondikutsanira mumba nemudzimai wangu asi mwana uyu ndakamurera kubvira achiri mudiki. Mukadzi wangu wekutanga ndanga ndisina muchato naye asi wechipiri ndiye wandakachata naye.
Ndine imba nemotokari, zvino mukadzi wangu ndikada kumuudza kuti mwana wake abve pamba pangu anoti ngatigurise muchato titengese zvinhu togovana.
Imba iyi ndakaiwana nemudzimai wekutanga. Ndibatsireiwo tete ndoita sei?
Ndakaita hubenzi kuchata nemudzimai wechipiri wandisina mwana naye ndichisiya wekutanga.
Francis Mhako.
Mt Darwin.

Tete vanopindura
Ndafara kuti iwe wega wazviti wakaita hubenzi.

Munoroorerei vakadzi vamunozoramba, chiona nhamo yawakazvipinza.
Zvisinei, dambudziko rako rinowanika zvichida mainge matadza kunzwisisana nemukadzi wekutanga.
Asi hatitarisiri kuti munhu usiyane nemukadzi wako wekutanga nokuti mberi zvine matambudziko.
Nhasi uno pfuma yako yava kuenda kumukadzi mudiki wausina mwana nay, vana vasiri vako vava kutodya pfuma.
Hauna kutaura kuti chii chamakatadza kuwirirana nemukadzi wekutanga, inyaya yekuda kukudzwa chete here?
Nekuti inyaya dzamaigona kutaurirana kana kubatsirwa natete nana ambuya, unenge une dambudzikowo newevo wacho.
Zvekare dai watiudza kuti ndiwewo here wakarambanisa mukadzi uyu nemurume vake wekutanga uye mwana wake uyu akanzwa nani kuti ndiwe?
Wakatokanganisa kuchata nemukadzi uyu.
Zvisinei, usatya kune kwakawanda kwaunofanira kupihwa gwara, vana vemukadzi wako ndivo vanodya pfuma yako kwete avo vakauya vari kumusana. Mukadzi wechipiri akatowana pekuchengetera vana ndokusaka achikuvhundutsira nemuchato. Vana ivavo ngavaende kwababa vavo, kwete kuda kudya zvako iwe mutorwa.
Saka iwewo wati hauna chauchataura mumba mako? Uri baba hwai vasingasimudze musoro? Tora chigaro chako zvinoita bedzi. Usatye kuti mukadzi anozoenda nekuti handiye wekutanga nekupedzesera.

Tete Chipangamazano.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>