Uncategorized

TEZVARA AKABHURA MUROORA . . . Akaroverwa kutora huni dzepamakuva

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

MUMWE tezvara wekumaruwa ekwaSeke akamiswa mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts mushure mekunge azvambaradza kurova muroora wake senyoka yapinda mumba apo vakatadza kunzwisisana pamusoro penyaya yekuti mukadzi uyu asatyore huni dzakange dziri pamakuva pedyo nemusha wavo.

Rosemary Makasi (40) akamhan’arira tezvara vake, Israel Ngwerume (61), vose vachigara mumusha waRusirevi, achiti vakamurova zvakasimbarara.

Makasi akaudza mutongi Tafadzwa Miti kuti mangwanani emusi wa31 Chikunguru gore rino, ainge ari mubishi kutyora tsotso pamakuva ari pedyo nemusha wavo apo anoti Ngwerume akabva amurambidza kuita izvi.

Makasi anoti akada kutsanangura kuti ainge atopedza kutyora tsotso idzi apo Ngwerume akabva atanga kumurova nembama izvo zvakamurwadza zvakanyanya.

Achiedza kuvhika mhosva, Ngwerume akati aingoedza kutsiura muroora wake uye ainge asina chinangwa chekumukuvadza. Muchuchusi panyaya iyi aiva Edmond Ndambakuwa.

Kutongwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi.

Share This:

Sponsored Links