Uncategorized

Tezvara kumitisa muroora!

25 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Tezvara kumitisa muroora! Rumbi

Kwayedza

MUKADZI wechidiki uyo akaroorwa kuHurungwe anoti mimba yava nemwedzi misere yaainayo yakabata mushure mekunge abatwa chibharo natezvara — baba vemurume wake mbune — asi nyaya iyi ikasamhan’arwa kumapurisa.Muroora uyu anoti akabhinywa kaviri nababa vemurume wake apo aishanda muchitoro chavo chiri kuRutenga, mumugwagwa unobatanidza Masvingo neBeitbridge.

Muroora uyu, uyo watichangodoma nezita rake rekutanga Rumbi (20), anoti vatezvara vake — muzvinabhizimisi uye murimi wefodya kuHurungwe – vakaronga nemurume wake kunovhura chitoro kuRutenga mushure mekunge vawana mari pavakatengesa fodya.

“Ndakaita zvekutiziswa ndiri pachikoro nemurume wangu (zita tinaro) apo ndaiva ikoko kumusha. Ndakanogara nemurume wangu pamusha patezvara avo vane madzimai maviri, vamwene vangu vari ivo vahosi.

“Kumavambo kwegore rapera, tezvara vangu nemurume wangu vakaita mari nefodya apo vakawirirana kunovhura chitoro kuRutenga,” anodaro.

Rumbi anoti vatezvara vake vakatanga vachishanda voga kuchitoro ichi, ndokuzodzoka kumusha uko vakakumbira mwakaomana wavo kuti mudzimai wake anoshanda achitengesa muchitoro ichi izvo vakawirirana semhuri.

Tezvara ava vanonzi vakati mwanakomana wavo ambosara kuHurungwe achiita mamwe mabasa epamusha apo ivo nemuroora vaifanotungamira kuchitoro.

“Kana mwana wedu wekutanga uyo ane makore maviri akasara kumusha nababa vake. Ini ndakanoshanda kuchitoro ndichingonzi murume wangu aizotevera izvo zvisina kuitika. Pandaibvunza, tezvara vaingonditi ndishande vachindivimbisa kuti mwanakomana wavo aizotevera,” anodaro Rumbi uyo anoti akaroorwa mugore ra2015.

Anoti akazoshamiswa apo murume wake akanga asisamufonera kana kumudavira panhare.

“Ndakazotadza kuwirirana navatezvara vangu apo ndakavati hazvaikwanisika kuti ndirambe ndichigara navo murume wangu asipo. Ndipo ndakazoona mumwe mudzimai akanditi aigona kundiwanira basa kuMessina, kuSouth Africa sezvo ivo vaisandibhadhara. Asi ivo vaisada kuti ndibve pachitoro,” anodaro.

Mudzimai uyu anoti pamwe pacho akabhinywa natezvara ava apo aida kunokwira mabhazi ekuenda kuMessina huri husiku, tezvara vake ndokuita sevaida kumuperekedza.

“Tichitofamba, baba vakaerekana vandipandukira vachinditi handaifanirwa kusiya chitoro chavo vachindipomera kuba mari yavo yakawanda. Vakati ndaifanirwa kuibhadhara nekubatwa chibharo, vachibva vandibhinya.”

Anoti akazosiiwa padondo tezvara ava vodzokera kuchitoro chavo.

“Ndakazoenda hangu kuMessina asi aka kakange katova kechipiri kubhinywa,” anodaro.

Mudzimai uyu anoti mushure mekubhinywa natezvara vake, akazama kuudza murume wake nyaya iyi asi aitomutukirira izvo zvinoita kuti afungire kuti nyaya iyi yakagara yakarongwa kubva pakutanga.

“Murume wangu aiti ndikamufonera, aindituka uye ndakazonzwa kuti akaroora mumwe mukadzi.

“Handina kumhan’ara nyaya yekubatwa chibharo kumapurisa nekuti ndaitya uye ndaida murume wangu. Ndaitya kuti ndikadaro aibva andiramba zvachose, kusvika nanhasi handina hama yandati ndaudza nyaya iyi kunze kwenyu imi veKwayedza. Ndanga ndisingade kuti nyaya iyi itaurwe. Imi (veKwayedza) makainzwa naniko?” anodaro Rumbi.

Anoti paakaenda kunoshanda kuMessina, haana kuziva kuti kubatwa chibharo natezvara kwaakaitwa akabva atomitiswa.

“Pamuviri pandinapo ndepatezvara vangu vakandibata chibharo kwete pemurume wangu. KuSouth Africa ndakadzoka sezvo ndisisagone kushanda nemimba iyi uye ndave kugara naamai vangu kuGoromonzi kwavanoshanda asi havanawo chekubata kuti vandibatsire,” anodaro. Anoti zvisinei nekuti mimba iyi yava pedyo kubarwa, haana gadziriro yaati aita nekuda kwekushaya.

Vatauriri vemapurisa eZimbabwe Republic Police kuMashonaland East nekuMashonaland West vari kukurudzira Rumbi kuti anomhan’ara nyaya iyi kumapurisa, tezvara vake vosungwa.

Inspector Tendai Mwanza, avo vanova mutauriri wemapurisa kuMashonaland East, vanoti Rumbi ngaakurumidze kunomhan’ara nyaya iyi.

Inspector Clemence Mabgweazara, vanova mutauriri wemapurisa kuMashonaland West, kunova kumusha kwatezvara ava vanoyambirawo Rumbi kuti akurumidze kusvitsa nyaya iyi kumapurisa. Amai vaRumbi vanoti vari kutambura zvikuru nekuti havana chavainacho sezvo pamuviri apa pasina gadziriro yati yaitwa.

“Mwana uyu akauya achiratidza kushushikana zvikuru akasauka ini ndokumutambira asi haana kutaura chaizvo zvaakatiza kumurume kana kuchitoro chavatezvara vake. Izvozvi ndiko kutoziva kuti akabatwa chibharo natezvara.

“Kukiriniki yekuno akanzi mwana akachinjika izvo ave kuda kuti aende kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital asi mari hapana. Ivo tezvara ava nemwanakomana wavo hapana ari kufona, tinoda kuti vachengete mwana wavo kana kuti toendesa nyaya iyi kumapurisa,” vanodaro amai vaRumbi.

Kwayedza yakanzwa kuti Rumbi haana kana mateneti ekuti apfeke semunhu akazvitakura.

“Handidi kuti musungise vatezvara ava nekuti mwana wangu anozosara asina anochengeta. Kubvira pamwana wangu mukuru, ndivo vanochengeta, naiyeyu wacho achazvarwa ndewavo,” anodaro Rumbi achikumbirisa kuti bepanhau rino risafumure mhosva yechibharo iyi.

Rumbi anonzi haana kubvisirwa roora kunze kwe$40 yetsvakiraikuno nembudzi mbiri dzemasungiro.

Manheru emusi weChipiri svondo rino, Rumbi akaenda kunhepfenyuro yeStar FM uko akabuda paTilder Live show achikumbira kubatsirwa neveruzhinji.

Kusvika pakudhindwa kwenyaya ino, Kwayedza yainge isati yakwanisa kutaura natezvara zvose nemurume waRumbi.

VaMunyaradzi Nhengo avo vanoshandira kusangano reMusasa Project rinomirira vanhu vanenge vachishungurudzwa nenzira dzakasiyana vanokurudzira Rumbi kuti amhan’are nyaya iyi kumapurisa ari padyo ivowo vachironga kuti vangabatsira sei.

Kune vanoda kubatsira mukadzi uyu vanoridza nhare dzinoti 0775 859 392 kana 0774 200 923.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>