Uncategorized

Tezvara nemuroora voripira makunakuna

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Tezvara nemuroora voripira makunakuna

Kwayedza

TEZVARA mupositori nemuroora wavo vekuwanikidzwa vachishinha muimba yebasa pakiriniki yeChiriseri, kwaJingo, kwaMambo Masembura, vakazomiswa mudare ramambo weko vose ndokuripiswa mombe dzemakunakuna.

Mupositori Thomas Pfupa — uyo anonyanya kuzivikanwa nekuti Madzibaba Thomas Pfupa — anobva mubhuku raKagande uye mukuru wesowe reJohane Masowe weChishanu. Anonzi akabatwa kutanga kwemwedzi waChikumi achishinha nemuroora wake, Esterry Masanzu.

Masanzu mudzimai waRegiment Pfupa uyo anova mwanakomana wechitatu waThomas.

Thomas — uyo anoshanda samukoti pakiriniki yeChiriseri — anonzi akabatikidzwa nemuramu wake Zvisinei Kamusisi (39) achishereketa nemuroora uyu muimba yepabasa. Nyaya yatezvara nemuroora ava yakapinda mudare raMambo Masembura —VaIshmael Kangade (41) — nemusi weMugovera wakadarika apo vaviri ava vakabatwa nemhosva yemakunakuna.

Mambo Masembura vanoti tezvara nemuroora ava vakasvibisa dunhu ravo nemakunakuna avakaita. “Thomas Pfupa takamubata nemhosva yekushinha nekudanana nemuroora wake Esterry Masanzu.

Madzibaba Thomas Pfupa

Saka dare rakati tezvara aripe mombe mbiri nembudzi mbiri uyewo muroora oripa mombe imwe chete nembudzi — zvose zvinotsika. Takavapa nguva yekubvisa miripo iyi,” vanodaro Mambo Masembura.  Vaviri ava, avo vanonzi vamboda kuramba mhosva iyi asi ndokukonwa nekuda kweumboo hwaivepo.

“Pachivanhu, muroora akangofanana nemwanasikana wako — munyarikani uyewo tezvara vakangofanana nababa kumuroora. Iyi inyaya yakanyadzisa zvikuru, ndokusaka takavaranga zvakakodzera,” vanodaro Mambo Masembura.

Pakatongwa nyaya iyi, murume waMasanzu, Regiment aivepo pamwe chete naamai vake, Rachel Jenje.

Mambo Masembura

Mambo Masembura vanoti padare ravo musi uyu pakava nevanhu vakawanda sezvo vaida kunzwa nyaya inonyadzisa iyi.

“Chakanyanya kuti nyaya iyi ishamise ndechekuti tezvara ava muporofita anotungamirira sangano guru muno. Vamwene vanokodzera kuripwa nemurume wavo zvose nemuroora, uyo Regiment oripwawo nababa vake,” vanodaro Mambo Masembura.

Vanoti mwanakomana akatorerwa mukadzi nababa vake uyu anokodzera kupihwa mombe shanu, iye Thomas oripazve mudzimai wake mombe dziri pakati pembiri kusvika shanu.

Rachel Jenje

“Tinomirira kukwira kwavo dare rino kuti vazoripwa,” vanodaro Mambo Masembura.

Mudare iri, Regiment anonzi akati zvemakunakuna emudzimai wake nababa vake hazvimuite kuti arambane nemukadzi uyu. Zvinhu zvinonzi zvakamboita manyama amire nerongo mudare iri apo Jenje akadya marasha achipopota nekuda kwenyaya iyi ndokuzodzikamiswa nemapurisa amambo.

Mambo Masembura vanorumbidza Sabhuku Kagande — VaSteven Kagande (74) —nekubata nyaya iyi zvakanaka kusvikira yakwidzwa kudare ravo vachiti ingadai yakakonzera kurwisana kwevanhu.

Share This:

Sponsored Links