Uncategorized

Tezvara vakabatikidzwa nemuroora

01 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Tezvara vakabatikidzwa nemuroora Madzibaba Thomas Pfupa

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VAGARI vekwaMasembura, kuBindura, svondo rapera vakasara vasina nechekutaura zvichitevera nyaya yavamwe tezvara avo vanoshanda samukoti uye vari muporofita, avo vanonzi vakawanikidzwa vachishinha nemuroora wavo muimba yepabasa.

Thomas Pfupa wemubhuku raKagande – ndimukoti pakiriniki yepaChiriseri, kwaJingo, uye muporofita wechechi yeJohane Masowe yeChishanu – anonzi akawanikidzwa achishereketa nemuroora wake, Esterry Masanzu, muimba yebasa.
Masanzu mudzimai wemwanakomana waThomas anonzi Regiment Pfupa.

Mai Zvisinei Kamusisi

Zvisinei, Thomas ari kuramba nyaya yekuti akabatikidzwa achipanana rudo nemuroora wake.
Vaviri ava vanonzi vakabatikidzwa naMai Zvisinei Kamusisi (39), avo vanova muramu kuna Thomas.
Mai Kamusisi vanotsinhira nyaya iyi vachiti vakaona mashura atezvara nemuroora aya vachibva vamhanya kunozivisa Sabhuku Kagande, uyo anovazve kanzura wenzvimbo iyi.

“VaPfupa muramu wangu uye ndinogara ndichienda kumba kwavo pakiriniki uko tinochera mvura. Musi uyu ndakabva kumba ndichinochera mvura, ndokusiya bhaketi ndikananga kumba kwavo uko ndakasvikoedza kupinda sezvo gonhi rainge rakavharwa zvishoma. Ndakadongorera ndikawana chichitsva, muroora natezvara.

“Apo kamwana kemuroora uyu kaitodya majigisi kari padivi pemubhedha,” vanodaro Mai Kamusisi.
Vanotsanangudza zvakawanda, zvimwe zvacho zvisinganyoreke muKwayedza, vachiti tezvara ava vainge vakatopfeka mbatya dzebasa.

“Ndakavati muri kuitei, ndiro basa renyu nhai apo vakavhunduka, muroora ndokuda kutiza. VaPfupa vakandibata vachindirambidza kubuda panze vachida kuti titaurirane apo vaiti ndisashevedze vanhu.

“Takatorwisana vachivhara gonhi apo vakazondirova ndikaguma ndave kudzosera. Vakatora mugoti vachida kundirova nawo ndikavabvutira, uyo ndakazorova nawo muroora uyu akatokuvara,” vanodaro Mai Kamusisi.

Vanoti Thomas akazovapa $20 yevharamuromo vakamuudza kuti yaive shoma, ndokuzowedzerwa imwe $10 pamusoro ne$5 zvakare ikazosvika $35 iyo yavakatambira.

“Ndapihwa mari iyi, ndakazobuda nechisimba mumba umu apo ndakatora poto ndichida kuvatema vakanditevera panze. Ndaida kuvavharira mumba kuti ndishevedze veruzhinji.

“Kwakazouya mumwe mukoti (zita tinaro) uyo aiti titaurirane. VaPfupa vakavimbisa kuzondipa imwezve mari,” vanodaro Mai Kamusisi.

Muroora uyu sezvo akarohwa nemugoti, anonzi akakuvara akazorapwa pakiriniki iyi.
“Muroora uyu arapwa, akazoenda kupurazi kwavanogara nemurume wake kuBricon, munzvimbo imwe chete iyi,” vanodaro Mai Kamusisi.

Asi Thomas ari kurambisisa nyaya iyi achiti muroora wake akasvika pamba pake achibva kumusha kwake kwaMasembura uko akanga abvakacha apo akawana asina kugeza ndiro, idzo aida kushambidza.

“Nyaya iyi ndeye kunyepa, iri kugadzirwa nemukadzi uyu, Esterry Kamusisi, uyewo ine vanhu vekuchechi kwangu vanoda hukuru hwechechi sezvo ini ndiri muporofita ane mbiri muno. Zvakare amai vanoti vakatiwanikidza ava ndakambodanana navo, ishanje idzo. Ndakambodanana nemukadzi ari kuti akandiona uyu apo akafirwa nemurume, ndikazoguma ndaripiswa nehama dzemurume aiva akamuroora ndichinzi ndaiva ndatora mudzimai wemunhu. Ndakaripa mombe mbiri nembudzi panyaya iyi,” anodaro tezvara uyu.

Anoti musi waanonzi akabatikidzwa, muroora uyu aitosuka ndiro dzake pamba apa.
“Muroora wangu Esterry Masanzu mudzimai wemwana wangu wechitatu, Regiment Pfupa. Apa aibva kumusha kwake kwaMasembura uye aida kupa mwana wake mvura yekunwa apo ini ndaiva kubasa. Akazowana mumba muine maplates akasviba ndokutanga kusuka apo akapinda mumba inova nguva yakasvika mukadzi ari kuti akatiwanikidza uyu,” anodaro Thomas.

Anoti akabvunzwa nemwanakomana wake nezvenyaya iyi akamurambira.
“Regiment akandibvunza kuti mukadzi wake anonzi aiva akuvadzwa achirohwa apo takawanikidzwa, ndikamurambira ndokumutsanangurira zvakaitika.”

Asi Mai Kamusisi vari kuramba kuti vakambodanana naThomas vachiti aya mano-mano ekuda kunzvenga nyaya yake yekushereketa nemuroora.

Sabhuku Kagande, VaSteven Masango (74), vanotsinhirawo nyaya iyi vachiti yakasvitswa kwavari uye vachaidarikidza kwaMambo Masembura.

“Mukadzi akaona nyaya iyi akauya pano achidedera nezvaakaona akatsanangura zvose. Vakarwisana nekuda kwenyaya iyi, muroora akatokuvara.

“Pfupa anonzi akapa mukadzi akavawanikidza uyu $35 yevharamuromo saka nyaya iyi tinayo, iri kuenda kudare ramambo,” vanodaro Sabhuku Kagande.

Mai Martha Masango (69) vanova mudzimai waSabhuku Kagande vanoti nyaya iyi inonyadzisa.
“Muroora mwana, unofanirwa kumunyara. Kana iyewo muroora wacho ibenzi. Nyaya iyi inofanirwa kutongwa, vanhu ava varipiswe,” vanodaro.

Mudzimai waThomas, Mai Rachel Jenje, vanoti nyaya iyi kana chiri chokwadi zvinorwadza zvikuru.
“Murume uyu ndakaroorana naye achisunga bhurugwa newaya, achipfeka bhutsu yainokora jecha. Zvino ndipo powosangana nezvakadai? Ivo ndivo vanoziva chokwadi, asi muroora ari kuramba,” vanodaro.

Mambo Masembura, VaIshmael Kagande (41), vanoti nyaya iyi yakasvika munzeve dzavo uye vakamirira kuipirwa zvizere naSabhuku Kagande.

“Ndakamirira sabhuku vari kuita nyaya iyi VaKagande vanovawo kanzura wenzvimbo iyi. Zvinonyadzisa zvikuru, kurasika kwetsika dzechivanhu chedu. Ini sedare rangu, anofanirwa kuripa, tichaona zvinobuda mudare. Anosungirwa kuchenura dunhu, onoripa kumusha kwemuroora, oripazve mwanakomana wake waakatorera mukadzi nekuripawo mudzimai wake wemumba uyo akasanganisa nemuroora nekumadzitezvara ake uko akaroora,” vanodaro Mambo Masembura.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey