‘Tibhadharirei mari dzechikoro nenguva’

21 Aug, 2014 - 00:08 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro vanokurudzira vabereki kuti vabhadhare mari dzechikoro nguva ichiripo kwete kuzomhanya-mhanya zvikoro zvave kuvhurwa kana kumirira kuti vatange vadzingwa sezvo izvi zvichikanganisa fundo yavo.
Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe vevana ava zvichitevera kuvharwa kwezvikoro, avo vakatsutsumwa netsika yevamwe vabereki yekumirira kuti vana vatange vadzingwa kuti vazobhadhara mari dzinodiwa.

Deon Katerere, uyo ari kuita Form 2 paSt Mathias Tsonzo, akati zvinosuwisa zvakanyanya kumbokanganiswa zvidzidzo nechikonzero chekuti vabereki vanenge vasina kubhadhara mari.

Mashoko ake akatsinhirwa naDaphne Mhungu, uyo ari kuita Form 1 pachikoro chimwe chete ichi, achiti zvinodzikisira mwana kuburitswe mukirasi achinzi haana kubhadhara mari.

Mumwezve mwana wepachikoro ichi, Eveline Makoni, uyo ari kuita Form 1, akati nyaya yekushomeka kwemabhuku ndiyo imwe iri kukanganisa budiriro yedzidzo yavo.

Stayton Chiroodza ari kuita Form 3 paSt Patricks anoti anoshuvira kuti temu inotevera vabereki vachabhadhara mari yakakwana izvo akati zvinobatsira kuti basa repachikoro rifambiswe zvakanaka.

“Dai vabereki vose vakabhadhara mari yechikoro pachine nguva kuitira kuti chikoro chedu chitenge zvinhu zvinokwana sematext books, zvigaro nezvimwewo zvinobatsira kuti upenyu hwedu huendeke pabhodhingi,” akadaro.

Tinotenda Zisengwe, uyo ari kuita Form 4 pachikoro chimwe chete ichi, akatsinhira mashoko aya achiti mari ndiyo hwaro hwekuti bhodhingi inakidze.

Nyasha Mapanda, uyo ari kuita Form 1 paHartzell, akataurawo achiti anofadzwa zvikuru nekudzidza pabhodhingi uye anovimba kuti vabereki vake vacharamba vachibhadhara mari yechikoro nenguva sezvo asingade kukanganiswa zvidzidzo zvake nenyaya dzemari.

Princess Chatsama, uyo ari kuita Form 1 pachikoro ichi zvakare akatsinhira achiti vabereki vanofanira kuziva kuti pavanononoka kubhadhara mari yechikoro zvinokanganisa fundo yevana.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey