Ticha akabata chibharo

02 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Ticha akabata chibharo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURAIRIDZI wepaHatcliffe 2 Primary School, muHarare, akamiswa mudare reHarare Magistrates’ Courts nemhosva mbiri dzinoti yekubata chibharo musikana wake uye kumubvisa pamuviri zvisiri pamutemo achibatsirana nemumwe chiremba uyo asati abatwa.

Taurai Chikoto (34) wepanhamba 1 Tall Trees, kuBorrowdale, haana kupihwa mukana wekubvuma kana kuramba mhosva iyi apo akamira pamberi pemutongi Victoria Mashamba.

Muchuchisi Sebastian Mutizirwa akaudza dare kuti mumwedzi waNdira gore rino, mumhan’ari (zita tinaro) uyo ane makore 24 ekuberekwa ari mudzidzi wepaWomen’s University in Africa, anonzi akakanganwa maboniboni ake mumotokari yeshamwarirume yake iyi.

Nomusi waKukadzi 2, vaviri ava vanonzi vakasangana kuHaticliffe mumhan’ari achibva abvunza nezvemaboniboni ake ndokuudzwa kuti ainge asara kumba kwake panhamba 1390 Zvakatangasekuseka Co-orperative, kuHatfield, kunova kwavakabva vaenda vachida kunoatora.

Vasvika pamba apa, Chikoto anonzi akataurira musikana uyu kuti anotora maboniboni ake pamusoro pefiriji yaive mumba iye achibva asara ari mutokari.

Musikana uyu anonzi akashaya maboniboni ake panzvimbo yaitaurwa izvo zvakaita kuti Chikoto apinde naye mumba ndokumuti akwire pacheya kuitira kuti anyatsotarisa.

Chikoto anonzi akatora mukana uyu achibva akiya musuwo nemukati ndokumubata chibharo.

Nomusi wa3 Kubvumbi, mumhan’ari anonzi akaenda kubasa kwaChikoto ndokumuudza kuti akange ava nepamuviri uye asisanzwe zvakanaka nokudaro aida kurapiswa.

Nomusi wa 6 mwedzi wekare, Chikoto anonzi akaenda nemumhan’ari kuHarare vachibva vasangana nemusungwa wepiri mumotokari.

Musungwa uyu anonzi akati sezvo Chikoto ainge asina mari yekuti mumhan’ari avhenekwe mimba yake (ultra scan), aizomupa mapiritsi ekunyaradza marwadzo bedzi.

Anonzi akabva apa musikana uyu mapiritsi anosanganisira 30 metronidazole, 4 misoprostol (misoclear 200mg) nemamwe mapiritsi 40 aasingacharangariri.

Muzuva rakatevera, mumhan’ari anonzi mushure mekunwa mapiritsi aya akatanga kubuda ropa izvo zvakaita kuti atarise padandemutande kuti anoshanda basa reyi ndokuona kuti anobvisa pamuviri.

Nomusi wa13 Kubvumbi, mumhan’ari anonzi akatanga kuzvimba muviri achibva aenda kuchipatara cheBorrowdale Trauma Centre.

Pava pakati pemwedzi waChivabvu, mumhan’ari anonzi akatanga kubuda ropa zvakare achibva azoenda kunovhenekwa (scan) nomusi wa23 Chivabvu zvikaonekwa kuti mwana ainge akarara akarereka mudumbu asi ari mupenyu.

Kubva ipapo akaramba achingobuda ropa kusvika nomusi wa5 Chikumi apo akayambirwa neimwe hama yake (zita tinaro) kuti aende kukiriniki yePopulation Service Zimbabwe uko akanovhenekwa akaonekwa kuti akanga asisina pamuviri.

Mumhan’ari akazoenda kuBorrowdale Police Station akanomhan’ara nyaya iyi achibva aendeswa kuParirenyatwa Group of Hospitals uye magwaro ekwachiremba akamuvheneka akaburitswa mudare seumboo.

Chikoto ari kutongwa nemhosva mbiri – yechibharo neyekubvisa munhu pamuviri zvisiri pamutemo.

Musungwa uyu ari kutarisirwa kudzoka kudare munguva pfupi iri kutevera.

Share This:

Sponsored Links