Ticha akatsengwa sikarudzi

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Ticha akatsengwa sikarudzi Shepherd Dzimbanhete ari muchipatara

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUDZIDZISI wepachikoro cheRio Tinto Secondary School, kwaMubaira, kuMhondoro, anonzi akatsengwa-tsengwa nhengo yake yesikarudzi zvekusara yamvungunjika nemumwe murume weko apo vairwira musikana. Shepherd Dzimbanhete (43), uyo anobva mubhuku raParaiwa, kwaMambo Mashayamombe, anonzi akarumwa sikarudzi yake zvekudamburwa-damburwa naMaxwell Chiweshe (36) wemubhuku raChiweshe munzvimbo imwe chete iyi.

Vaviri ava — avo vose vane madzimai — vanonzi vairwira musikana wavanodanana naye uyo anongozivikanwa saMercy kana kuti Mai Tino anoshanda murimwe bottle store riri paMubaira growth point.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanotsinhira nyaya iyi vachiti Dzimbanhete akakuvara zvikuru uye ari kurapwa kuchipatara cheChegutu.

“Tine nyaya inosuwisa zvikuru yaitika nhasi Muvhuro (svondo rino) mambakwedza apo kune mudzidzisi wepachikoro cheRio Tinto Secondary, kwaMubaira, kuMhondoro, anonzi Shepherd Dzimbanhete uyo anonzi arumwa akakuvadzwa zvikuru kunhengo dzakavandika apo vanga vachirwira mukadzi naMaxwell Chiweshe.

“Zvinonzi mudzidzisi uyu akatorana nemusikana watangoziva saSusan ndokuenda naye kumba kwake kumusha apo akanga anzvenga vadzimai vake avasiya kumba kwavo kuchikoro, uko vakanorara vachisasana,” vanodaro.

Vaviri ava vanonzi vakatorana apo chimwewo chikomba, Chiweshe, anonzi akazosara achisvika ndokuwana chibayamoyo chake chatorwa ndokubva anyeverwa kuti akanga atorwa nemudzidzisi uyu.

“Chiweshe anzwa nyaya yekuti mudiwa wake ainge atorwa, ari kunzi akatevera kumba kwaDzimbanhete uko akasvikovhura gonhi nechisimba, ndokuwana vaviri ava vachitosasana murudo vasina kupfeka. Zvibhakera zvakatanga kutsva pakati pevarume vaviri ava apo mumwe aiva asina kupfeka,” vanodaro Insp Mabgweazara.

Vanoti Dzimbanhete akatanga kurohwa uye paakaona kuti mutambo wakanga watsvuka ropa, akazotora simbi ndokutema Chiweshe mumusoro nayo chibva akuvara.

“Panguva iyi ndipo panonzi Chiweshe akatora mukana wekusapfeka kwaiva kwakaita Dzimbanhete, ndokumubata mhandamatsimba, achibva amuruma sikarudzi yake iyo anonzi akaitsenga-tsenga kusvikira yamvungunjika.
“Aona kuti akanga apedza naye uye akuvadza munhu, Chiweshe anonzi akabva atiza,” vanodaro.

Musikana airwirwa uyu anonzi akashaya zvekuita pairwa varume vaviri ava apo iyewo anonzi aiva musvo, achingoridza mhere kuchema.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekwaMubaira uye iri kuferefetwa.
Dzimbanhete akazoendeswa kuchipatara cheMubaira uko akadarikidzwa kuchipatara cheChegutu kwaari kurapwa.
“Mashoko atinawo semapurisa anoti Dzimbanhete akakuvara zvikuru asi ari kurapwa, upenyu hwake hausi panjodzi. Uyo anonzi akamuruma, Chiweshe, tichiri kumutsvaga uye tinokumbira kune vanoziva kwaari kuti vatibatsire nekuzivisa mapurisa ari padyo navo,” vanodaro Insp Mabgwezara.

Vanoda kubatsira munyaya iyi vanokurudzirwa kuridza nhare dzinoti (067) 25505 kana 0712 520 412.
Insp Mabgweazara vanoyambira veruzhinji kuti vasatore mutemo vachiuisa muhomwe dzavo nekuti kuita izvi imhosva.
“Vanhu ngavadzidze kutaurirana kana paita kusawirirana, kunyangwe kutorerwa mukadzi chaiko, tsvagai vayananisi nekuti vanhu vanosvika pakupondana kana kukuvadzana,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links