Ticha haarange mwana: Minisita

09 Jun, 2014 - 15:06 0 Views

Kwayedza

MUTEVEDZERI wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti varairidzi havatenderwe kurova vana vechikoro, asi kuti vakuru vezvikoro ndivo vane mvumo yekutora matanho ekuranga vana kana paine zvavanenge vakanganisa.

Vakataura mashoko aya mudare reNational Assembly svondo rapera vachipindura mubvunzo wemumiriri weBulilima East mudare iri, VaMathias Ndlovu.

VaNdlovu vaida kuziva danho reHurumende maringe nekurohwa kwevana nevadzidzisi muzvikoro, vachiti dzimwe nguva hazviite kuti vana varega kurohwa nekuti vanogona kuita misikanzwa iyo inoda kuti varangwe neshamhu.

“Nyaya yekurohwa kwevana iri mubumbiro remutemo wenyika, asi dzimwe nguva panoita kusanzwisisana nekuda kwematauriro aitwa nevanoremekedzwa (VaNdlovu) nekuti zvagara zvichigamuchirika mumagariro edu. Bazi redu rinoti varairidzi havatenderwe kuti vange vachirova vana vechikoro.

“Pakuranga kwose kunenge kuchida kuitwa kumwana, nyaya yacho inofanirwa kuendeswa kumukuru wechikoro uyo anozoona kuti oita sei nemwana uyu,” vakadaro Prof Mavima.

Vachipindura mumwe mubvunzo wemumiriri weZaka Central, VaParadzai Chakona, Prof Mavima vakati Hurumende ine hurongwa hwekuvaka zvikoro zvitsa zvinosvika 60 pagore rega-rega nechinangwa chekuti mwana wose awane mukana wekudzidza.

VaChakona vaida kuziva matanho ari kutorwa neHurumende mukuvaka zvimwe zvikoro vachiti mudunhu ravo zvikoro zvishoma izvo zvave kuita kuti vamwe vana vadzidze mangwanani, vamwewo vachitanga panguva dzemasikati.

Vakati zvakare zvimwe zvikoro zviri kusangana nematambudziko ekushaya zvigaro zvevana. Prof Mavima vakati Hurumende iri kushanda siku nesikati mukusimudzira dzidzo munyika.

“SeHurumende, tiri kushanda kuti tivake zvikoro 60 pagore roga-roga, kuvandudza zvikoro zvichienderana nemari inenge iripo,” vakadaro.

Prof Mavima vakati ibasa renhengo dzedare reParamende kubatsirana nemakanzuru ari kumatunhu avo mukusimudzira zvikoro zviri pasi pemakanzuru sezvo akawanda acho ari kusangana nematambudziko ekushomeka kwemari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey