Ticha onzi muroyi, muSatanist

19 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Ticha onzi muroyi, muSatanist

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa
Mudzidzisi akadunura mudare achiti amai vevana vaanodzidzisa vari kumupumha huroyi, pamusoro pezvo vomuti muSatanist uye vanogara vachimutuka nezvinyadzi pajekerere.

Constance Zenenga akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa naAnnemary Mutiriviri achiti ari kumushungurudza pamwe nevana vake nekudaro anoda gwaro rerunyararo. Mutiviri anoti haasisina rugare pamusana paZenenga.

“Changamire, ndauyawo pano naamai ava mudzidzisi wevana vangu, vanoshungurudza vana uye kundituka pazere vanhu kuti ndiri pfambi uye ndinonwa mapiritsi,” anodaro. Anoti zvakare Zenenga anotuka vana nekuti anoti vanomudherera. Ndikamubvunza kuti ko vana unovatukirei, anoti nekuti vanomudherera,” anodaro. Achipawo divi rake, Zenenga anoti Mutiriviri ndiye anotomushungurudza.

“Ndiri kushamiswa nezviri kutaurwa naamai ava, vanonyepa chaizvo. Ini handivatuke asi kuti ivo ndivo vatondishaisa mufaro. Amai vane pamuromo ivava, ndivo vakatanga hondo yese iyoyo vakauya vachindituka mushure mekunge ndasiya vana vavo kutiripi nekuti ndaiziva kuti vane pamuromo.

“Ivo ndipo pavakabva vauya vachiti ndiri muSatanist nekuti ndainge ndasiya vana vavo. Vakaudza vabereki kuti muri kusiirei vana venyu vachienda naSatan uyu, ko vakadyiwa? Ini hangu handina kumbovadaira,” anodaro.

Zenenga anoti vana vaMutiriviri vane tsika yekuuya mukirasi vachitambiramo vachipwanya zvinhu.

“Ini handituke vana asi kuti ndinenge ndichivatsiura nekuti vanotora zvinhu mukirasi vachitambisa, zvimwe vachipwanya. Kana ndikadaro, amai vavo vanonditevera pakazara vanhu vachindituka zvinyadzi.  “Vakatombondituka pamberi pemukuru wechikoro kuti ndiri muroyi uye muSatanist saka ndinoda kuti vandiudze kuti vanozviwanepi. Amai ava vanoita zvakawanda, zvimwe zvacho handingazvipedze,” anodaro.

Anoti Mutiriviri akambokwereta mari kune mumwe munhu achishandisa zita rake.

“Vakatombonokwereta mari kune mumwe munhu nezita rangu asi ini ndainge ndisina kana kumbovatuma, dai zvaibvira matipa tese gwaro racho rerunyararo,” anodaro.

Mutongi Larzin Ncube akapa Mutiriviri gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey