Uncategorized

‘Ticharamba tichisimudzira nharaunda’

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
‘Ticharamba tichisimudzira nharaunda’ VaMartin Rushwaya

Kwayedza

Elita Chikwati

MAUTO eZimbabwe Defence Forces anovimbisa kuti acharamba achibatsira Hurumende nenharaunda dzinoda ruyamuro mukusimudzira nyaya dzedzidzo nezvimwe zvivakwa kuburikidza nehunyanzvi hwavo.

Mashoko aya akaturwa nemunyori mukuru mubazi rinoona nezvekudzivirwa kwenyika, VaMartin Rushwaya, apo vaitambidza zviri pamutemo makamuri maviri eEarly Childhood Development (ECD) akavakwa nemauto eZDF paSt Marnocks Primary School, kwaZvimba, vachibatsirana nechikoro ichi.

Mumashoko avakaverengerwa nadirector procurement mubazi ravo, VaPeter Muchakazi, svondo rapera, VaRushwaya vanoti mauto eZDF acharamba achibatsira nharaunda, zvikuru apo munyika munenge muine runyararo.

“Mauto eZDF agara akazvipira kushanda pamwe chete nezvizvarwa zveZimbabwe zvinoda budiriro muzvirongwa zvekusimudzira nharaunda.

“Ndinokurudzira makambani nevamwe vanhu kuti vave netsika yekudzorera kunharaunda dzavanobva. Yakwana nguva yekuti tichirega kuvimba nevabatsiri vekunze kwenyika, asi kuti tizvishandire,” vanodaro.

VaRushwaya vanotenda mapoka ose nevanhu vakabatsira mukuvakwa kwedzimba dzekudzidzira idzi pachikoro ichi.

Apo zororo remauto reDefence Forces Day rinenge rinenge risati raitwa gore rega-rega, mauto eZDF anoshandisa vhiki rinenge ratarisana nezororo iri kuratidza mamwe emabasa makuru avari kuita mukusimudzira nharaunda.

VaRushwaya vanoti kushaikwa kwezvikoro zvakanaka idambudziko guru rakatarisana nenzvimbo dzakagariswa vanhu patsva.

“Mauto eZDF anobatsira chete mukupa vanhu vanozoshanda, uye zvakaita semari nezvimwe zvinodiwa zvinobva kunharaunda nevamwe vabatsiri.

“Izvi zvinodaro nekuti ZDF haiwane bhajeti kubva kuhomwe yenyika rekufambisa zvirongwa zvekubatsira nharaunda.

“Nekuda kweizvi, mamwe mabhindauko aya anotora nguva yakareba kuti apere nekuda kwekuti vanhu vanenge vachizobatsirwa nawo vanoomerwa nekuunganidza zvekushandisa zvinodiwa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey