‘Time-table’ yekurova mukadzi…Kuseni, masikati nemanheru

19 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
‘Time-table’ yekurova mukadzi…Kuseni, masikati nemanheru

Kwayedza

Monalisa Madzeka
MUMWE mukadzi anoti apinzwa panguva yakaoma nemurume waakarambana naye, uyo anomurova munguva dzemangwanani, masikati, nemanheru uye achimutumira mashoko panhare yake achimuti ipfambi yemakoko. Prudence Mazarura akazosvika pakumhan’arira Innocent Mureverwi kudare reHarare Civil Court achiti kushungurudzwa kwacho kwamunyanyira.

Mazarura akaudza mutongi wedare iri, Gamuchirai Siwardi, kuti: “Changamire wangu, muchiona ndatsika nzvimbo ino kudai, ndiri kutsvagawo rubatsiro. Murume uyu takambodanana tikazorambana. Zvino handizive kuti kurambana imhosva here?

“Anouya kumba kwangu achindirova munguva dzemangwanani, masikati nemanheru. Ndatove netime-table yekurohwa changamire wangu.” Anoti kunze kwekurikitwa, anotumirwa mashoko panharembozha yake naMureverwi achinzi ipfambi.

“Anondisendera mameseji futi achinditi, ‘Uri pfambi yamakoko, inongorara-rara nevarume vakawanda’,” akadaro Mazarura. Mureverwi haana kuenda kudare kuti anopawo divi rake munyaya iyi. Mutongi Siwardi akapa Mazarura gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links