Tine chikwereti che$63m cheCadetship: Gandawa

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Tine chikwereti che$63m cheCadetship: Gandawa DR Godfrey Gandawa

Kwayedza

DR Godfrey Gandawa

DR Godfrey Gandawa

Tandayi Motsi
HURUMENDE ine chikwereti chemari inosvika US$63 miriyoni kuzvikoro zvedzidzo yepamusoro zvakaita semayunivhesiti pamwe nemakoreji iyo inobhadharirwa vadzidzi vanoshaya pamwe nenherera pasi pechirongwa cheCadetship Scheme. Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kwemichina, Dr Godfrey Gandawa, mudare reNational Assembly svondo rapera.
Dr Gandawa vaipindura mubvunzo wemumiriri weNkulumane mudare iri, VaTamsanga Mahlangu.

VaMahlangu vaida kuziva mafambiro ari kuita chirongwa cheCadetship Scheme uye huwandu hwemari yakapihwa neHurumende mukuchitsigira gore rapera.

Dr Gandawa vakati chirongwa ichi chinobatsira zvakare vadzidzi vanorarama nehurema.
“Muna 2014, bazi rangu rakange ranzi rinowana US$8 000 000 yechirongwa ichi iyo yakazodzikiswa kusvika paUS$3 500 000. Zvakadaro, mari inosvika US$1 600 000 ndiyo yakazopihwa kuchirongwa cheCadetship Scheme mugore ra2014. Hurumende ine chikwereti cheUS$63 miroyini yezvikoro zvedzidzo yepamusoro,” vakadaro.

Vakati nekuda kwedambudziko rakatarisana nechirongwa ichi rekushaikwa kwemari, bazi ravo riri kutora matanho akananga kuchivandudza uye zvinenge zvabuda zvichaziviswa kudare reCabinet. “Pamusoro pezvo, tiri kutsvaga dzimwe nzira dzatinogona kubatsira nadzo vadzidzi uye panguva imwe chete tisingaremedze Hurumende nekuda kwekushomeka kwemari,” vakadaro Dr Gandawa.

Vakati vanobatsirwa pasi pechirongwa ichi vanofanira kuve vari zvizvarwa zveZimbabwe uye kana vabereki vavo kana kuti vanovachengeta vachishanda vanofanirwa kunge vasingatambire mari inodarika US$600 pamwedzi.

Dr Gandawa vakati paUS$1 600 000 yakapihwa kubazi ravo kuti ishandiswe muchirongwa ichi gore rapera, mayunivhesiti eHurumende ose akapihwa US$904 900.

Pamari iyi Bindura University of Science Education (BUSE) yakapihwa $41 200, Chinhoyi University of Technology (CUT)
$61 200, Great Zimbabwe University (GZU) $70 000, Harare Institute of Technology (HIT) $51 200 neLupane State University (LSU) $51 300.

Midlands State University (MSU) yakawana $130 000, National University of Science and Technology (NUST) $190 000 kuchiti University of Zimbabwe (UZ) yakawana $300 000.

Dr Gandawa vakati mari yakasara paUS$1,6 miriyoni yechirongwa ichi, iyo inova $695 100, yakaiphwa kumakoreji anodzidzisa varairidzi nemapolytechnic.
Makoreji evarairidzi akawana $446 580 iyiwo $248 520 ikabatsira vadzidzi vekumapolytechinic.

Share This:

Sponsored Links