Tine mukana: Antipas

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Tine mukana:  Antipas

Kwayedza

MURAIRIDZI weChicken Inn — Joey Antipas — anoti mwaka wemutambo weCastle Premiership uchiri wakavhurika zvikuru uye chikwata chake chicharwisa semvumba zvikwata zviri pamusoro zvinoti FC Platinum neNgezi Platinum kusvika kumagumo chichirwira mukombe uyu.

Mutambo uyu uri kusimudzirwa svondo rino mushure mekunge wambomira panguva yemid-season break kwemasvondo maviri adarika.

Zvikwata zvose zvange zvichigadzirira zvakasimba nekuti mitambo 17 yasara ichange yakaomarara sezvo zvimwe zvichange zvichirwira kuti zvisaburistwe muligi iri kozoti zvimwe zvichirwira mukombe.

Pari zvino FC Platinum neNgezi Platinum ndizvo zvikwata zviri pamusoro uye vatsigiri venhabvu vazhinji vari kuona sekuti pakati pezviviri izvi ndipo pane chichatora mukombe mwaka uno.

Asi, Antipas ari kuramba mafungiro akadai aya achiti chikwata chake chicharwa zvekudambuka makumbo segurwe chichirwirawo mukombe uyu.

“Nhabvu inogona kushanduka pamusingafungire muchiti mukombe waenda asi chandinoziva munozopembera pakupedzisira nekuti kutaura kuno hatizive kuti mukombe uri kuenda kupi.

“Isu sechikwata ticharwa kusvika kumagumo, iye zvino hatizive kuti zvichabuda pakupedzisira ndezvipi,” anodaro.

Svondo rino maGamecocks – sezita remadunhurirwa reChicken Inn – ari kusangana neDynamos ‘DeMbare’ musi weSvondo kunhandare yeRufaro Stadium muHarare.

Antipas anoti mutambo uyu mukuru kuchikwata chake uye vari kuugadzirira semagadziriro avanoita mimwe mitambo yese.

“Semazuva ese isu tinogadzirira mitambo nekuuya kwainenge ichiita, saka hatisi kunyanya kufunga zvekumberi asi zvemutambo weDynamos watakatarisana nawo wesvondo rino,” anodaro.

Murairidzi weCAPS UNITED, Lloyd Chitembwe, akatsinhirawo mashoko aAntipas achiti rwendo rwekurwira mukombe weCastle Premiership rwuchiripo uye chikwata chake chiri kushanda zvakasimba kuti chidzore mukombe uyo wachakahwina mugore ra2016.

“Hatimhanye kufunga zvekuhwina mukombe chete, zvinoda zvakawanda uye zvinoda kushanda nesimba muchigadzirisa zviri kudiwa kuti basa rifambe.

“Nyaya hombe kushanda nesimba sechikwata kuti zvatinenge tichida zvigoitika. Tikaramba tichishanda nesimba ndinoziva kuti tinokunda chete hapana zvinomboramba.

“Mujaho uchiripo hausati wapera, hatizive kuti mune ramangwana zvichafamba sei,” anodaro Chitembwe.

Chikwata chaChitembwe svondo rino chiri kusangana neHarare City musi weMugovera kunhandare yeRufaro Stadium.

Mune mimwe mitambo iriko svondo rino muCastle Premiership, FC Platinum ichange iri pamusha kuMandava apo ichasangana neZPC Kariba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey