‘Tinoda $10m yemabhezari’

02 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
‘Tinoda $10m yemabhezari’ Dr Mushowe

Kwayedza

Tichaona Zindoga
BAZI reHurumende rinoona nezvemabhezari rinoti rinoda mari inosvika $10 miriyoni yekuti rikwanise kufambisa zvirongwa zvaro zvekubatsira vadzidzi vanenge vachifunda kunze kwenyika.

Gurukota rebazi iri, Dr Christopher Mushowe, vanoti gore rino bazi ravo rakabhadhara mari inosvika $1 350 335 yechikwereti chevamwe vadzidzi vari kunze kwenyika avo vainge voshaya zano rekuita nekuda kwekusabhadharwa kwemari iyi. Zimbabwe ine vadzidzi vari kunyika dzinosanganisira South Africa, Algeria, Egypt, Cyprus, Iran, Romania, Russia, Czech Republic, China neCuba.

Dr Mushowe vanoti bazi ravo riri kutora matanho akasimba ekuti chirongwa chemabhezari ichi chifambe zvakanaka.

“Ndinovimba tinoda mari isiri pasi pe$10 miriyoni kana tichida kutumira vadzidzi kumayunivhesiti akasiyana,” vanodaro Dr Mushowe.

“Izvi zvinoenderana nehomwe yemari inenge yatarwa uye homwe yemari iyi yakaziviswa, iri kushandiswa. Nekudaro, apo tinenge tave neidi rekuti imarii yatinenge tapihwa yemabhezari, tinozokwanisa kuziva kuti tingaendese vadzidzi vangani. Asi kana ndichipa huwandu hwevadzidzi varipo pari zvino, semuenzaniso, Algeria ine vadzidzi 395, Russia 133, India 31, China 109, Czech Republic 2, Iran 4 neCuba ine 9. Vakawanda vacho vakapedza zvidzidzo uye vakadzoka gore rapera,” vanodaro Dr Mushowe.

Vanoti huwandu hwevadzidzi varipo pari zvino kunyika dzakasiyana avo vasati vatora vamwe vatsva hunosvika 1 091.

“Munguva pfupi iri kutevera, tichange tave kutanga hurukuro nemahofisi evamiriri vedzimwe nyika muno pamusoro pevadzidzisi vangatorwa kuti vanodzidza kunyika dzakasiyana,” vanodaro Dr Mushowe.

Vanoti bazi ravo rakatora zvakare vamwe vadzidzi vaimbove pasi pebazi redzidzo yepamusoro avo vakange vasvitsa makore maviri vasati vabhadharirwa mari dzavo.

“Ichokwadi, vamwe vavo vakange vasati vabhadharirwa mari dzavo. Kusvika pari zvino tabhadharira vari kuRussia. Vadzidzi vose 133 vari kuRussia takavabhadharira mari yemakore a2017 na2018.

“Pari zvino tiri mushishi kuronga kuti titumire mari kuCuba neIran. Saka kusvika pakupera kwesvondo rinouya (svondo rino) vanenge vawana mari yavo,” vanodaro.

Dr Mushowe vanoti kune vamwe vadzidzi vari kumayunivhesiti ari kuAlgeria, Tunisia, Czech Republic, Romania, India neCyprus bazi ravo rakaendesa mari yose kumahofisi evamiriri venyika idzi kuitira kuti inge ichiendeswa kumayunivhesiti acho.

Vanoti zvakare vadzidzi vanenge vatumirwa mari iyi vanosungirwa kusaina kuratidza kuti vaiona uye magwaro anenge asainwa odzoswa kuZimbabwe kuitira kuti pave nekujeka mukufambiswa kwechirongwa chemabhezari ichi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>