Tinoda kushaina: Mapeza

04 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Tinoda kushaina: Mapeza Mapeza

Kwayedza

Abel Ndooka
MURAIRIDZI weFC Platinum Norman Mapeza anoti ane chishuviro chekuti chikwata chake chive chimwe chezvikuru muAfrica nekudaro vacharwa semvumba apo vari kusangana nedzimwe shasha mumutambo weChampions League.Pure Platinum Play, sezita remadunhurirwa reFC Platinum, yakabudirira kupinda mumini-league reChampions League uye yakaiswa muboka rine zvikwata zvinoti Orlando Pirates yekuSouth Africa, Esperance of Tunisia (shasha dzeChampions League) neHoroya yekuGuinea.

Aka kachange kari kekutanga FC Platinum ichikwikwidza mumini-league iyi sezvo kare yaingoburitswa kumaprelimaninary round rekurwira kuenda kumini-league.

Achitaura neKwayedza svondo rino, Mapeza anoti chikwata chake chiri pachiri nekuti chakashanda nesimba uye chinoda kuve chikuru muAfrica.

“Kunzi unzi uri chikwata chihombe unofanirwa kusangana nezvimwe zvihombe, saka ndizvo zvatiri kutarisira kuona zvichiitika.

“Zvinhu zvatange tichishandira kwemakore akawanda tichimbokundikana, asi tavemo, tinofanirwa kungotenda.

“Zvose tichangozvisiya mumaoko aMwari, ndiye anoziva ramangwana redu kuti rakamira sei uye ndiye achatitungamira mumitambo yedu yose,” anodaro Mapeza.

Mumutambo wekutanga weFC Platinum, chikwata ichi chichasangana neOrland Pirates musi wa11 Ndira kuZvishavane mumutambo uyo inofanirwa kuhwina kuitira kuti itange zvine mutsindo kana ichida kubudirira kufambira mberi mumakwishu aya.

Zvakadai, Mapeza anoti mwaka wegore ra2019 shuviro yechikwata chake kuti chipinde muboka rezvimwe zvinoti Dynamos FC neHighlanders kuburikidza nekuhwinha mukombe weCastle Premiership katatu kakatevedzana.

Munhorowondo yenhabvu yemuZimbabwe, zvikwata zviviri chete zvinoti Dynamos FC neHighlanders ndizvo zvakakwanisa kuhwina mukombe weligi makore matatu akatevedzana.

Dynamos yakazviita kaviri kekutanga kubva mugore ra1980 kusvika 1983 uye ikazozviita zvakare kubva 2011 kusvika 2014 apo yairairidzwa naKallisto Pasuwa kozoti Highlanders yakazvikwanisa kubva 1999 kusvika 2002.

“Isu tinotambira nhabvu kuhwina uye ndizvo tichangoita mwaka mutsva unotevera.

“Asi zvose tinongozvisiira mumaoko aMwari ndivo vanoziva uye ndivo vanotungamira. Hatikwanise kuronga zvepano pasi, Mwari ndivo vanotirongera.

“Asi isu chikuru kuti tirwe kuchengetedza mukombe wedu chete,” anodaro Mapeza.

Share This:

Sponsored Links