Uncategorized

Tinoda runyararo: Matangira

02 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Tinoda runyararo: Matangira President Mnangagwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUMIRIRI weBindura South mudare reNational Assembly, Cde Remigious Matangira, vanoti vanogamuchira nemawoko maviri mashoko anogara achitaurwa nemutungamiri wenyika President Emmerson Mnangagwa ekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvinofanira kubatana pamwe nekugara murunyararo.

President Mnangagwa vanozivikanwa nekuparidza shoko rerunyararo pamwe nekubatana munyika pose pavanotaura kuruzhinji.

Mambo Musana

Cde Matangira vanoti runyararo nekubatana ndiwo musimboti webudiriro yenyika.

“Ndiyani angarambe mashoko kana ataurwa nababa mumba sekurudziro iyo tiri kupihwa naPresident vedu Cde Emmerson Mnangagwa? Hakuna asingade runyararo, ukaona mombe chaidzo dzichinanzvana runyararo nekuwirirana zvinova zvatiri kutenda mutungamiri wedu wenyika kuti shuviro yavo inofanirwa kutererwa nemunhu wose munyika,” vanodaro.

Vanoti mudunhu ravo vari kushanda murunyararo nevatungamiriri vanosanganisira madzishe nemasabhuku.

Cde Matangira

“Runyararo rwune zvibereko, semuBindura South muno, tine zvinobatika zvatakaita nekuti takabatana sevhu repachuru rinonetsa kupesanisa. Kubva 2012, taita mabasa anobatika akawanda kubvira mukuvaka zvikoro zvitsva nekuvandudza zvitsaru zvose nemakiriniki.

“Pamusoro pezvo, takavambawo zvirongwa zveminda yekudiridzira tichishandisa mari inobva kuHurumende, yeConstituency Development Fund (CDF), pamwe chete neyedu kuvaka madhamu nezvimwe zvakawanda,” vanodaro.

Cde Matangira vanoti kuburikidza nemari yehomwe yeShare Ownership Trust kubva kumigodhi inosanganisira Fredda Rebecca neTrojan Nickel Mine, vakava nebudiriro huru mudunhu ravo.

Vanoti mumabasa avo, vanoshanda zvakanaka naMambo Musana, VaJoel Nyarumwe.

Cde Matangira vanotizve vane zvirongwa zvizhinji zvebudiriro izvo vakatangisa asi zvisati zvapera zvavanoda kupedzisa munguva inotevera.

“Mari yeCDF haisati yauya asi kana ikangouya inofanirwa kunopedzisa mamwe emabasa aya,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links