Uncategorized

‘Tinoda tsika dzakanaka’

30 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
‘Tinoda tsika dzakanaka’ First Lady Amai Auxillia Mnangagwa vachidzidzisa vana vechikoro tsika dzakanaka kuState House, kuGweru svondo rapera.

Kwayedza

Tendai Rupapa
MUDZIMAI wemutungamiri wenyika First Lady Amai Auxilia Mnangagwa vari kukurudzira veruzhinji kuti vachengetedze tsika nemagariro akanaka vachiti izvi zvinoumba raramo yevanhu yakanaka.

Vakataura mashoko aya svondo rapera pamusangano wavakaita kuGweru State Residence vachikurukura nemazana evena vakabva kuzvikoro zvakasiyana.

Vanoti zvakakosha kuti vafundise vechidiki ngano sedzo dziri idzo hwaro hwekufambiswa kwemashoko ane chekuita netsika nemagariro.

Kuburikidza nesangano ravo reAngel of Hope Foundation, First Lady Amai Mnangagwa vakaparura chirongwa che#NganonaAmai muHarare icho vanokurudzira vana vechikoro kuti vauye vachiita ngano dzavo.

Vanoti chirongwa ichi chichapinda mumatunhu ose gumi emuZimbabwe.

“Ndinofara zvikuru kuti ndiri kusangana nemi vana muGweru pachiitiko chekurondedzera ngano pasi pechirongwa chinotsigirwa nesangano reAngel of Hope,” vanodaro.

First Lady Amai Auxillia Mnangagwa negurukota reHurumende redunhu reMidlands Cde Larry Mavhima vachitaura ngano kuvana vechikoro kuState House, kuGweru svondo rapera. – Mufananidzo naJohn Manzongo

“Mbuya vauya nhasi kuzotaura nemi. Vakudanai pano kuti tiite ngano. Ndinoda kuona kuti ngano munodziziva here uye munodzigona here nekuti ngano idzi dzinozokubatsirai muchikoro.

“Ngano dzinobatsira kuti muve nehunyanzvi pamunenge muchinyora kuchikoro uye dzinovhura pfungwa. Ndinoda kuona kuti munoziva here dzimwe dzengano idzi nekuti kana muchidzigona dzinokubatsirai mudzidzo yenyu uye kuti mugone kunyora rondedzero dzinonwisa mvura,” vanodaro First Lady Amai Mnangagwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Vana muri pamwoyo wangu uye ndimi vatungamiriri venyika vemangwana. Ishungu dzangu kuti mukure zvakanaka muchiwaniswa rutsigiro mumagariro enyu pamwe nemunyaya dzeupfumi kuitira kuti muve neramangwana rakajeka.”

First Lady Amai Mnangagwa vanoti kare ngano dzaiumba hunhu hwevanhu kuti vave neruremekedzo uye ngano imwe neimwe ine chirevo chayo.

Vanoti ngano dzinobatsira zvakanyanya kuti vana vagone kuterera, kunyora nekuita zviperengo.

“Zvakakosha kuti mukure muine hunhu neruremekedzo kuvakuru uye kuti muzive tsika nemagariro,” vanodaro.

“Ngano ndeimwe nzira yaishandiswa mukubatanidza mhuri kuti dzisarasike panyaya dzehunhu. Izvi zvaibatsira kuti vana vasarasike.

“Tese nhasi takaungana kuti tifundisane nyaya dzehunhu kuti tibure zvirevo kubva madziri,” vanodaro.

First Lady Amai Mnangagwa – avo vainge vagere parupasa rwakarukwa netsanga panguva yavakasangana nevana ava – vakawana mukana wekuterera ngano dzevana pamwe nekuvafundisa nzira kwadzo dzekurarama.

Vakaunzawo midziyo yakasiyana yechivanhu sehari, migoti, tsero, miseve, makano nengoma pakati pezvimwe izvo vakaratidza kuvana kuti vazive kuti zvaishandiswa sei kubva kare kusvikira nhasi.

“Tine tsika dzedu nemagariro izvo taiita makare apo vanhu vaigadzira kudya kwavo kuburikidza nekutswa muduri. Ndinofara zvikuru kuti takwanisa kupedza zuva rose tichifundisana nezvetsika dzedu,” vanodaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, gurukota reHurumende rinomirira Midlands, Cde Larry Mavima, vakatenda mudzimai wemutungamiri wenyika nekudzoreredza kwavari kuita tsika nemagariro akanaka kune vechidiki.

Share This:

Sponsored Links