Tinoda var muZim

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Tinoda var muZim

Kwayedza

SANGANO rinotungamirira nyaya dzenhabvu munyika reZimbabwe Football Association (Zifa) rinoti riri kutevera gwara reFederation International de Football Association (Fifa) nekuunza muchina weVideo Assistant Referee (VAR) muZimbabwe uyo unobatsira varidzi vepembe mukuita basa ravo.

Kumutambo weFifa World Cup 2018 uri kutambirwa kuRussia pari zvino, kwaona michina yeVAR ichishandiswa kekutanga uye iri kubatsira zvikuru varidzi vepembe kuona zvimwe zvavanenge vapotsa zvinosanganisira kuvabatsira kupa mapena kana kubvisa mamwe magobhora apo mutambi anenge anwisa ari offside.

Mukushi wemashoko weZifa – Xolisani Gwesela — anoti sangano ravo riri pasi peFifa saka richange richitevedzera zvose zvinoitwa neFifa nechinangwa chekuramba vachivandudza nhabvu munyika muno.

“Isu seZifa tiri pasi peFifa tinotevedzera zvese zvainoita, saka tarisirai michina yeVAR muno nekuti muchina uyu wakanakisa uye uchabatsira varidzi vepembe.

“Nhabvu iri kuita ichishanduka, zvakawanda zviri kuuya zvichange zvichibatsira mutambo uyu kuti ukure uye urambe uchienda kure,” anodaro Gwesela.

Anoti nhabvu yemazuva ano yasiyana neyekare nekuda kwekuti iri kusanduka nekukasika nekudaro vatsigiri vemutambo uyu vanofanirwa kutarisira zvakawanda zvinoita kuti urambe uchinakidza.

Xolisani Gwesela

“Tiri munguva yemichina yezvino-zvino saka kuuya kwayo munhabvu kuchabatsira zvikuru kuchenesa mutambo uyu.

VAR ichabatsira zvikuru uye tiri kuona kubatsira kwayo kumutambo weWorld Cup uri kutambirwa kuRussia,” anodaro Gwesela.

Zvakadai, vamwe vatsigiri venhabvu vakaita hurukuro neKwayedza vanoti VAR yakatononoka kuuya munhabvu yemuno nekuti pane zvimwe zvinomboitika mumutambo uyo zvinoda kuti michina iyi ibatsire varidzi vepembe pane zvinenge zvanetsa.

Mutsigiri mukuru weDynamos pamwe nechikwata chenyika chemaWarriors, Chris ‘Romario’ Musekiwa, anoti VAR ndiyo ramangwana renhabvu uye muchina uyu uchabatsira zvikuru kusimudzira mutambo uyu muno.

“Gore negore pane mitambo inozombonetsa zvonzi varidzi vepembe vabirira asi chatinoziva ndechekuti havaone zvese vanotoda kubatsirwa, vanhuwo vakaita sesu vanokanganisa saka VAR ikauya ichavabatsira pane zvavanenge vasina kuona. Zvakawanda zvinoitika munhabvu zvinopotswa nevaridzi vepembe saka VAR ichabatsira zvese,” anodaro Musekiwa.

Zvakadai, pakushandisa muchina uyu, muridzi wepembe anomisa mutambo oenda kunotarisa paVAR chiitiko chaanenge apotsa uye – semuenzaniso – kana pachitenderwa kuti pena ipihwe kana kusapihwa anobva azivisa mushure mekutarisisa chiitiko chacho.

Share This:

Sponsored Links