‘Tinodya nyama yevanhu natete’ . . . ndichinanzvwa nezinyoka

07 Aug, 2014 - 16:08 0 Views
‘Tinodya nyama yevanhu natete’ . . . ndichinanzvwa nezinyoka STELLA Ndaba aina Sekuru John Mutsvairo

Kwayedza

STELLA Ndaba aina Sekuru John Mutsvairo

STELLA Ndaba aina Sekuru John Mutsvairo

Kingstone Mapupu
MUKADZI wechidiki anogara kuMandava, kuZvishavane ari kubuda pachena, kutoita zviya zvekuimba chaizvo, achiti anoroya pamwe chete nevamwe tete vake avo vaanoti vanomumanikidza kudya nyama yevanhu, imwe yacho ichizoita zvekubuda nemumhuno. Sekutaura kwake, anoti nekuda kwemabasa erima aya, nhengo yake yesikarudzi yakavharika izvo zvinomudzivisa kusasana nemudikani wake.

Stella Ndaba (28), uyo anogara kudzimba dzinozivikanwa nekuti “kumaRound”, akadura kuKwayedza kuti anogara achinanzvwa nenyoka, izvo zvinoita kuti muviri wake umerere kana kuita mapundu.
Zvisinei, tete vaanoti anoroya navo ava vakaramba nyaya iyi.

Asi Stella anoti zvakare anotorerwa zvekudya nezvidhoma zvatete ava achisara nenzara.
Svondo rapera Stella akaudza Kwayedza kuti: “Ini ndinodya nyama yevanhu zuva roga-roga, chero nguva. Tete (zita ravo tinaro) vanouya apo ndinovaona ini ndoga, vosvikondipa nyama mbishi yevanhu ndichidya. Dzimwe nguva vanondipa ropa kuti ndinwe.”

“Hatigare tose natete ava, asi ndinoerekana ndave kuvaona vachiuya nenyama yevanhu vachisvikotaura neni kuti, ‘idya nyama iyi’. Vanozviita zuva roga-roga, masikati kana usiku.

“Ndikaramba vanondishandisira mushonga kuti ndirware apo muviri wangu unotanga kuswinya nekuita maronda. Imwe mhiko yandakaiswa ndeyekuti nhengo yangu yakavharika zvekuti handikwanise kusasana nemurume. Ndakatorambirwa izvozvo nemukomana wangu.”

Anoti tete ava vane chikwambo chinoshinha naye pamadiro uye pavanoenda kwaari vanenge vaine mudungwe wezvidhoma, zvimwe zvacho zvinosvikotanga nekumuyamwa mazamu nekunhengo yesikarudzi. Izvo anoti zvinoitika akasvinura.

“Nyama yavanondipa iyi vanoti ndisatsenge, ndingomedza yakadaro. Asi inoshata zvikuru, haumbonzwa taste yayo, unoita seunodya makavi,” akadaro.

Izvi anoti zvakatanga mumwedzi waChikunguru gore rakapera.
“Ndatambura, ndinoda kubatsirwa. Chikwambo chavo chinondinwa ropa ndichiona, ndakasvinura ivo varipo. Vanobva vatanga kundivhundutsira vachiti ndikaramba kuroya navo vanondiuraisa nezvidhoma kana zvikwambo uye vanonditaurira kuti handimbofa ndakaroorwa vachiti ndiri mukadzi wechikwambo chavo,” akaenderera mberi.

Nyama yevanhu yaanoti anodyiswa iyi anoti ine ruvara rwutsvuku-tsvuku, kana apedza kuidya mudumbu make munorwadza zvikuru uye rurimi rwake rwunoita maronda. Akaburitsa rurimi kuti vatori venhau vaone.

“Nyama iyi itsvuku uye kazhinji pavanouya nayo inenge isina ropa. Chimwe chishamiso chinoitika kwandiri ndechekuti ndinogona kutadza kuita tsvina asi ndichiinzwa, ndinotonzwa panhengo pakabatwa neruwoko rwandisingaone.”

Nyama yevanhu yaanoti anodya iyi anoti imwe nguva inobuda nemumhuno make.
Muviri wake wese anoti une mapundu nekuda kwenyoka yaanoti inomunanzva.
“Dzimwe nguva ndinogara nenzara apo tete ava vanouya ndave kuda kudya vonditi ndisiire zvidhoma kudya. Kwekutizira handina, amai vangu vakafa asi baba (VaEphraim Ndaba) variko. Havanditeerere, vanoti ndinorwara nepfungwa,” akadaro.

Dambudziko iri anoti ranhanhirawo kumwana wake ane makore maviri nechidimbu okuberekwa, uyo waanoti anoita tsvina yakasangana nenyama tsvuku, kunyange asina kumbodya nyama.

“Mwana wangu anonanzvwawo nenyoka ndichiona, izvozvi ane maronda kuzasi kwake nekuda kwezvikwambo nenyoka,” akadaro Stella.
Mudzimai uyu anoti aiva akaroorwa kuSiboza ndokuzorambana nemurume.

Stella anoti akasvitsa nyaya yake kumapurisa ayo akazomupa tsamba yekuti aende kwaShe Masunda, uko dare rashe rakati kutsvagwe n’anga nemaporofita anobatsira mukadzi uyu asi izvi hazvisati zvaitwa.

Shamwari yemudzimai uyu, Sylvia Dube (22), akatsinhira nyaya iyi.
“Izuva rimwe chete pandakaona achidya nyama yaiva yakatsvuka zvikuru ndikamubvunza kuti sei aidya nyama mbishi apo akazonditsanangurira,” akadaro.

Imwezve shamwari yaStella, Noctula, akatsinhirawo nezvedambudziko iri.
Asi tete vaStella vanotaurwa ava, vakatsinhira kuti muzukuru wavo anovapomera kuti vanomupa nyama yevanhu nekumudzidzisa kuroya.
Tete ava vakati: “Uyu mwana wehanzvadzi yangu, akatombondishevedzera mapurisa tikagumisira tasvika kwaShe Masunda. Ko ini ndingazomupa nyama (yevanhu) sei ini ndichigara kuno kumusha? Iye anogara kuMandava, kuZvishavane.

“Stella murwere, inyaya yakabvirwa kare ikatombotongwa kwashe.”
Vanoti akatombopinda muchipatara cheZvishavane nekuGweru nekuda kwekurwara uku.
“Kumba kwababamukuru vake kuGweru akatombopwanya mahwindo. Chinonetsa pakatanga nyaya dzake idzi ini ndaiva kuSouth Africa,” vakadaro tete ava.

Vanoti muzukuru wavo uyu akaramba achitaura nyaya iyi vachada kuzomuendesa kumatare edzimhosva.
Baba vaStella, VaNdaba vakatshinira mashoko akataurwa natete vake.
“Anotaura kuti tete vake, hanzvadzi yangu, vanomumanikidza kuroya vachimupa nyama yevanhu, ini ndinoti kurwara nekuti ane Aids, zvakare haadi kunwa mapiritsi.

“Nyaya iyi takaenda nayo kwaShe Masunda ikanotongwa, tikanzi titsvage mapositori anotibatsira. Takambofamba kuvanhu vatatu vaingoti yaiva mhepo, hapana chakabatsira,” vakadaro VaNdaba.

Ishe Masunda, VaSimon Hungwe (55) vanoti vakatonga mudare ravo nyaya yehuroyi iyi.
“Nyaya iyi yakapinda mudare rangu ndikaitonga. Baba natete vacho vaivapo naiye musikana uyu zvose nemunin’ina wababa vake. Akataura padare kuti aidyiswa nyama yevanhu natete vake achiitiswa mabasa ehuroyi.

“Ndakazovapa nguva yekuti kutsvagwe maporofita anogona, izvo takaita. Maporofita aya akauya pano asi ivo havana kuzodzoka kusvika nanhasi. Ndichatuma mapurisa angu kuti tipedzise basa iri vabatsirwe,” vakadaro.
Vanoti baba vacho natete vakati kwaiva kurwara nepfungwa.

“Ini ndakavati mwana uyu haarware nekuti aitaura pasina kurasika pfungwa. Zvaanotaura izvi anogara achizvitaura,” vakadaro.
Mudzimai washe ava, Mai Ratidzo Hungwe (47) vanoti Stella vakataura naye kwenguva refu vachida kuona kuti anorwara nepfungwa here vakaona ari munhu ane pfungwa dzakadzikama.

Dambudziko rimwe chete rekudya nyama yevanhu rinonzi rakambobata mukoma waStella akazonobatsirwa kuHarare.
N’anga inonzi iri kubatsira Stella, Sekuru John Mutsvairo (46), yakati:

“Ini ndinogara pamwe chete naStella, mumwedzi waKukadzi gore rino ndakanzwa mwana wake achichema usiku ndakauya ndichida kuona kuti aiva nani ndokupinda ndikasvikoona amai vacho vakakotsira asi mukanwa make makazara nyama mbishi. Ndakamumutsa akati aisaziva kuti nyama iyi yaiva yabva kupi ini ndokuziva kuti yaiva yemunhu,” vakadaro.

VaMutsvairo vanoti mwana wemudzimai uyu anoshandiswa nezvidhoma izvo zvinomutadzisa kukura.
N’anga iyi inoti yakamboenda nemukadzi uyu kurwizi rwaRunde kunomugezesa munyama uko akanobatwa nemweya unonzi waitaura kuti waiva wemhiri kwemakungwa waisakwanisa kubviswa.

Mai Shamiso Soko Mutsvairo (43), avo vanova mudzimai wen’anga iyi, vanoti vave kutya kugara naStella nekuda kwezviri paari.
“Isu tave kutya kugara pano nekuda kwenyaya yemukadzi uyu. Anobuda pachena kuti anoroya natete vake,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey