‘Tinoita setisina kumbodanana’

09 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
‘Tinoita setisina kumbodanana’

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
MUMWE mukadzi akachema-chema mudare achiti iye nemurume wake vave kungogara vachiita sevasina kumbobvira vadanana nekuda kwekusawirirana, zvisinei nekuti vane vana vose.

Violet Chikumbo akaendesa murume wake, Rueben Mapokotera, kuHarare Civil Court achida kuti amiswe kumurova, kumutuka nekumutyisidzira.

“Uyu murume wangu, chiri kunetsa ndechekuti anogara achindirova, achindityisidzira nekundituka kana pakazara vanhu kana vana,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti kana vakangonetserana kanhu kadiki-diki, Mapokotera anenge ava kushandisa chisimba zvekuti ava kutya kubvunza kana kupikisana naye.

“Ndinotya kana kumubvunza chinhu nekuti anenge ava kutokwidza izwi nekuda kushandisa chisimba zvekuti ndava kutongobvumira zvese zvaanenge ataura. Ukada kupikisa anokurova,” anodaro.

Chikumbo anoti mumba mavo hamuchagarika nekuda kwemhirizhonga.

“Mumba macho hamuchgarika nekuda kwehunhu hwake, tava kutoita setisina kumbodanana asi isu tiine vana tose,” anodaro Chikumbo.

Mapokotera anoti zvese zvataurwa manyepo uye Chikumbo ari kupedzera dare nguva sezvo asina kana umboo hunotsigira nyaya yake.

“Anonyepa uyu, zvese zvaataura hapana kana chokwadi ari kupedzera dare nguva. Kana zviri zvechokwadi ngaaburitse umboo hunotsigira zvaari kutaura. Paari kuti akarohwa ngaaburitse tione chivanga chacho,” anodaro.

Anoti Chikumbo ndiye anoda zvemhirizhonga.

“Ndiye anoda zveruzha, akandiputsira foni yangu akatomboda kundibaya nebanga asi zvese izvozvo haana kuzvitaura, amhanyira kutaura zvekunyepa chete,” anodaro Mapokotera.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Chikumbo gwaro redziviro.

Share This:

Sponsored Links