‘Tinokohwa pakuru neCommand Agriculture’

06 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
‘Tinokohwa pakuru neCommand Agriculture’

Kwayedza

VAMWE varimi vari kubatsirwa pasi pechirongwa chekupihwa zvekushandisa neHurumende cheCommand Agriculture vanoti vane tarisiro yekuti vachakohwa goho guru mwaka uno.

Mumwe wevarimi ava, VaRichard Chirongwe vekuSable Pick Farm kuConcession kuMashonaland Central, vanoti vakarima mahekita 70 echibage pasi pechirongwa cheCommand Agriculture uye vari kutarisira kukohwa matani anodarika gumi pahekita.

“Ini ndakadyara ndichishandisa fetereza yeCompound D saka ndiri kutarisira kuzowana yepamusoro pane ipi zvayo nguva nekuti zvirimwa zvangu zvave kuda Ammonium Nitrate. Ndine tarisiro yekuwana matani anodarika gumi pahekita,” vanodaro.

VaChirongwe vanoti vachiri kudyara zvimwe zvirimwa nekuti vane donzvo rekuti varime mahekita zana echibage.

Zvakadai, VaGodwin Mawire vekuKwayedza Farm kuConcession kwakare vanoti vari kutarisira kukohwa matani masere echibage pahekita imwe chete.

Kwayedza Farm ine mahekita 150 echibage ayo ari kurimwa pasi pechirongwa cheCommand Agriculture uye chibage chizhinji chiri mumunda uyu chakatodarika mabvi kukura.

“Tine shungu dzekuti nyika inge ichiwana maguta ndiko kusaka tiri kushanda nesimba,” vanodaro.

VaMawire vanoti nguva yadarika vakambosangana nedambudziko remakonye e “armyworm” aidya zvirimwa asi vakakwanisa kupedza dambudziko iri kuburikidza nekuafirita.

“Vamwe varimi vanofunga kuti chirongwa cheCommand Agriculture hachina betsero kwavari asi kuburikidza nekushanda nesimba uye zvidzidzo zvatakaita zvekurima ndichavaratidza kuti chirongwa ichi chakanaka zvikuru. Varimi vanofanira kutevedza nzira kwadzo dzekurima kuti vawane goho guru dzakadai sekutenga mbeu yakauchikwa muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo. Zvirimwa zvinoda kusakurirwa sora nenguva uye fetereza inoda kuiswa nezvipimo chaizvo zvakatarwa kwete kuomera,” vanodaro VaMawire.

Gurukota rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro, Dr Joseph Made, vanoti chirongwa cheCommand Agriculture chichabudirira zvikuru zvisinei nemashoko evamwe vanhu vari kuedza kuchidzikisira.

“Tinoramba tichikurudzira varimi kuti vadyare nenguva vachikoshesa madiridziro kuti vasazochema nataisireva,” vanodaro.

Zvakadai, Hurumende iri kuyambira varimi vose vari kubatsirwa pasi pechirongwa cheCommand Agriculture kuti vashandise zvavari kupihwa nemazvo nekuti pachazoitwa ongororo yemashandisiro avanenge vakazviita.

Izvi zvinotevera mashoko ekuti kune vamwe vari kutengesa zvakakapihwa neHurumende kuti vashandise pakurima asi vose vanobatwa vachiita hunhubu uhu vacharangwa maringe nemutemo.

Pasi pechirongwa ichi, Hurumende iri kupa varimi mbeu, fetereza, mishonga yekufiritisa zvirimwa nemafuta edhiziri ekurimisa kuburikidza nematarakita.

Varimi vanotarisirwa kukohwa matani 2 miriyoni echibage munyika yose kubva pamahekita 400 000 pasi pechirongwa cheCommand Agriculture.

 

Share This:

Sponsored Links