Tinokoshesa vadzidzisi vekumaruwa – Mavima

29 May, 2015 - 00:05 0 Views
Tinokoshesa vadzidzisi vekumaruwa – Mavima

Kwayedza

HURUMENDE inokoshesa zvikuru basa revarairidzi uye iri kutora matanho akakodzera kuti vashande zvakanaka, kunyanya avo vanodzidzisa kuzvikoro zvekumaruwa uko vanosangana nezvimhingamipinyi zvakawanda.

Mashoko aya akataurwa svondo rapera nemutevedzeri wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari Professr Paul Mavima mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weRedcliffe mudare iri, VaHarris Ncube.

VaNcude vaida kuziva zviri kuitwa neHurumende kuti vadzidzisi vari kumaruva vaenzaniswe nevari mumadhorobha kuburikidza nekuvawanisa zvakaita sepekugara pakanaka pamwe nekuvakwa kwezvikoro kunzvimbo dzakagariswa vanhu patsva.

Prof Mavima vakati vadzidzisi vari kuita basa guru munyika iro raona dzidzo yemuZimbabwe ichisimukira zvikuru.

“Hurumende iri kuziva kukosha kwakaita basa riri kuitwa nevarairidzi muZimbabwe, kunyanya avo vanoshanda kumaruwa uko vanosangana nezvimhingamipinyi zvakawanda. Izvi takazvisimbisisa zvakare pamusangano mukuru wedzidzo, weEducation Conference and Expo, uyo wakaitwa munaZvita 2013,” vakadaro.

“Tinoda kuti varairidzi vari kumaruwa vave nemvura yakachena yekushandisa mudzimba dzavo, vakwanise kuwana magetsi sevamwe vavo vemumaguta nemadhorobha pamwe nedzimba dzavanogara zvakanaka nemhuri dzavo.

“Vanofanira zvakare kuve vachiwaniswa mari yemaallowances yekuvabatsira sevanhu vanoshanda vakatarisana nezvimhingamipinyi munharaunda dzavanoshandira,” vakadaro Prof Mavima.

Vakati varairidzi vekumaruva vanofanira kuwaniswa mikana yakaenzana nevemumadhorobha yekupinda muzvirongwa zvakananga kusimudzira basa ravo.

Mumiriri weChirumanzu Zivagwe, Mai Auxillia Mnangagwa, vakati kune vamwe varairidzi vasingade kushandira kumaruwa nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kushomeka kwedzimba dzekugara saka vaida kuziva kana bazi iri riine hurongwa hwekupa basa varairidzi vanove vagari venharaunda avo vanogona kushanda vachibva kumisha yavo.

Vachipindura, Prof Mavima vakati kunyangwe bazi ravo ringade kuita sekudaro, zvakaoma kuti riwane varairidzi vakakwana vanokwanisa kushandira kunzvimbo dzekumaruwa kwavanobva.

“Tine varairidzi vangangosvika 140 000 muZimbabwe nekudaro kuti tiwane varairidzi vanosvika 50 pachikoro vachishanda vachibva kudzimba dzavo zvakaoma,” vakadaro.

Vakati nekudaro ndicho chikonzero chikuru bazi ravo riri kutora matanho ekuti vadzidzisi vafarire kushandira nzvimbo dzekumaruwa.

Anomirira Kadoma Central mudare iri, VaFani Phiri, vakati varairidzi vakawanda vekumadhorobha nemaguta havana dzimba dzavo nekudaro vanoroja izvo zvisingavape chimiro chakanaka kwavari.

“Vakawanda vavo unonzwa vachidaidzwa kuti ‘mukomana wekuseri, mai vekuseri’ nevavanodzidzisa, izvo zvinovabvisa chimiro. Ndinoda kuziva kuti bazi redzidzo riri kuita hurukuro here nevemakanzuru kuti vadzidzisi ava vawaniswewo masitendi ekuvaka dzimba dzavo. Pane zviri kuitwa here nebazi iri kuti vadzidzisi ava vasadaidzwa vachinzi ‘vakomana vekuseri kana kuti vasikana vekuseri?” vakadaro.

Prof Mavima vakati Hurumende, kuburikidza nebazi rinoona nezvevashandi, iri kutorawo matanho akananga kuona kuti vadzidzisi vemumaguta vawaniswa pekugara pakakodzera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey