Tinokunda: Sunday

07 Sep, 2018 - 09:09 0 Views
Tinokunda: Sunday Sunday ‘Mhofu’ Chidzambwa

Kwayedza

‘Tave kutarisa zvemberi’

Abel Ndooka
APO chikwata chenyika chemaWarriors chiri kupinda muhondo svondo rino yekurwira tikiti rekuenda kunokwikwidza kumutambo weAfrica Cup of Nations 2019 Cameroon (Afcon) Qualifier, maziso ese achange ari pamurairidzi wechikwata ichi Sunday ‘Mhofu’ Chidzambwa uyo anoti ane chivimbo chekuti vachanokunda apo vari kutamba neCongo nemusi weSvondo.

Chidzambwa ndiye akaita wekutanga kutungamira maWarriors kuenda kuAfcon mugore ra2004 mumutambo wakatambirwa kuTunisia uye akahwinawo mimwe mibairo yakawanda achirairidza chikwata ichi.

Asi makore adarika kuenda kwemaWarriors kumutambo uyu kwange kuri kuita sekunge kuperekedza vamwe sezvo chikwata ichi chaingoburitswa kumagroup-stages chisina kumbosvika kure, izvo Chidzambwa ari kutarisirwa kugadzirisa.

Vamwe varairidzi vakatungamira maWarriors kuenda kumakwishu aya vanosanganisira Charles Mhlauri uyo akatsiva Chidzambwa ndokurairidza chikwata ichi mugore ra2006 mumutambo wakatambirwa kuEgypt.

Kalisto Pasuwa ndiye aive pachigaro chinopisa ichi gore radarika kuGabon apo maWarriors akatamba zvisina kugutsa veruzhinji.

Khama Billiat

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Chidzambwa anoti  shuviro yake uye nevamwe varairidzi vese kubudirira kuenda kunokwikwidza kumitambo mikuru yakasiyana uye iye haasi kutarisa zvakamboitika kumashure asi ari kuvaka chikwata chichaenda kunorwira mukombe kuCameroon.

“Murairidzi wese shuviro yake kurairidza chikwata chenyika yake, saka kana wagadzwa pachigaro chinopisa unenge wave kutarisirwa kurwira mikombe zhinji uye chinhu chingafadze kudzokera kumutambo uyu kunorwira mukombe uyu.

“Basa ndiro ratave kutotanga, hapana nguva yekutsvaga zvakaitika kumashure, tinofanirwa kudzidza kubva kwazviri totarira mberi tichigadzirisa,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Kana tikabudirira kuenda kumutambo uyu wekuCameroon chinenge chavepo ndechekuti tinenge tave kutorwira mukombe wacho weAfcon, hapana chimwe chatichafunga nezvacho.

“Tatora mikombe yakawanda inosanganisira yeCosafa, tave kuchidawo weAfcon muno.”

MaWarriors ari kurwira kuenda kuCameroon muboka rine zvikwata zvinoti Democratic Republic of Congo, Republic of Congo neLiberia uye ndiwo ari pamusoro muboka iri zvichitevera kurakasha kwaakaita Liberia 3-0 kunhandare yeNational Sports Stadium mumutambo wawo wekutanga.

Svondo rino ari kunanga kuCongo uko achanosangana nechikwata chenyika iyi uye ari kufanirwa kuhwina mutambo uyu kuti arambe achiwedzera mukana wekuenda kunokwikwidza kumakwishu eAfcon.

Muchikwata chaChidzambwa mune vatambi vanosanganisira Knowledge Musona, Khama Billiat, George Chigova, Evans Rusike, Teenage Hadebe naDanny Phiri avo vari kutarisirwa kubata basa sebasa.

 

Share This:

Sponsored Links