Tinotambira kuhwinha: Ngezi

04 May, 2018 - 00:05 0 Views
Tinotambira kuhwinha: Ngezi Tonderai Ndiraya

Kwayedza

Abel Ndooka
KUBVA gore ra2016 apo Ngezi Platinum Stars yakatanga kukwikwidza muCastle Premiership, chikwata ichi change chichingotamba nhabvu inonwisa mvura uye mwaka uno chiri kurakidza kuti chinogona kuhwina mukombe wePremier Soccer League.

Mumitambo mipfumbamwe yatambwa nechikwata ichi – icho chiri kurairidzwa naTonderai Ndiraya –  kusvika parizvino chakwanisa kuhwina minomwe nekuita mangange miviri chete.

Asi mubvunzo mukuru uri pamiromo yevatsigiri venhabvu vazhinji ndewekuti Ngezi – iyo isati yakundwa mumitambo yayo yayatamba kusvika parizvino – ingakwanisa here kupedza mwaka wese isina kumbokundwa izvo zvisati zvamboitika munhorowondo yenhabvu yemuno.

Zvimwe zvikwata zvinoti Zimbabwe Saints mugore ra1988 yakakwanisa kutamba mitambo 22 isina kumbokundwa kozoti ZPC Kariba muna 2014 apo yakapinda muPSL ichirairidzwa naSaul Chaminuka yakakwanisa kutamba mitambo 19 yekutanga isina kumbokundwa.

Chikwata ichi chaive nevatambi vanosanganisira 2014 Soccer Star of the year, Dennis Dauda.

Mukushi wemashoko weNgezi Platinum Stars – Calvin Mavunga – uyo anovezve performance analyst wechikwata ichi, anoti zvinonetsa kuti vapedze mwaka vasina kumbokundwa kunyangwe zvazvo pavanotamba vasingatarisire kukundwa.

“Nhabvu inotambwa nezvikwata zviviri zvese zvichida kuhwina saka zvinonetsa nekuti nhabvu inotenderera pamwe mangwana rinogona kunge risiri zuva renyu.

“Asi chandinoziva ndechekuti hapana chikwata chinotamba nhabvu chichiti chinoda kukundwa, zvese zvikwata zvinenge zvichitoda kuhwina uye isu tinenge tichida kuhwina mitambo yedu yese. Tinotambira kuhwina,” anodaro Mavunga.

Zvakadai, Kwayedza yakazoita hurukuro nevamwe vatsigiri venhabvu avo vanopa pfungwa dzavo pamusoro pematambiro ari kuita Ngezi kusvika parizvino.

Muongorori wenhabvu Goodwill Zunidza anoti Ngezi inotofanira kukunya dzisimbe sezvo ichasangana nezvikwata zvikuru zvinoti Highlanders, CAPS UNITED, Dynamos neFC Platinum uye nguva yadarika yange ichingotamba nezvikwata zvidiki chete.

“Zvinonetsa nekuti rwendo rurefu urwu saka kana ichida kufunga nezvazvo ngaitokwidziridze masokisi ayo nekuti pane basa. Mutambo wayo wechipiri neBosso uchange wakabaka sezvakaita wekutanga uyo yakahwina 1-0 kuBaobab saka ndinoziva kuti Bosso ichada kutsividza kumusha kwayo.

“Uye tichaona iyo Ngezi paichasangana nezvimwe zvikwata zvikuru zvinosanganisira CAPS UNITED neFC Platinum kuti inobuda here. Kana ikapabuda ndipo tinoziva kuti inogona kuzviita zveshuwa,” anodaro Zunidza.

Mumwe mutsigiri wenhabvu, Tendayi Murambiza, anoti nematengero akaita Ngezi vatambi vatsva vepamusoro anoda kuona chikwata ichi chichinyora nhorowondo yekupedza mwaka chisina kumbokundwa.

“Chikwata ichi chiri kutamba nhabvu yepamusoro saka ini hangu ndiri kuchitsigira kuti chinyore nhorowondo. Ikaramba ichifamba negiya yairi kufamba naro hapana chinovatadzisa kupedza mwaka vasina kumbokundwa,” anodaro Murambiza.

Zvakadai, zvimwe zvikwata zvekuEurope zvinosanganisira Arsenal FC yakambopedza mwaka wese wa2003-2004 isina kumbokundwa payakatamba mitambo 49 ndokuhwina mukombe weEngland Premier League apo yakazodanwa zita rekuti “The Invincibles”.

Share This:

Sponsored Links