Tipei mabhuku: vana

07 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Tipei mabhuku: vana Sakile Siziba

Kwayedza

eNew Curriculum mashoma

Muchaneta Chimuka
VANA vechikoro vanoti vakazvipira kushanda nesimba kuti vabudirire mudzidzo yavo temu yechitatu ino zvisinei nekuti vamwe vavo vari kuchema-chema nenyaya yekushomekwa kwemabhuku eNew Curriculum.

Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe vana vekumabhodhingi ari kumativi mana enyika apo vakange vave kudzokera kuchikoro nemusi weMuvhuro uno vari kuzviteshi zvemabhazi zvinosanganisira kuna Simon Muzenda (Fourth Street), kuMbare nekuRotten Row muguta reHarare.

Temu ino ndiyo inonyorwa bvunzo dzekupedzisira nevana veO- neA-Level.

Rachael Takawongwa

Vana vakakurukurwa navo vanoti vane shungu dzekunofunda nesimba kuti vagobudirira.

“Tinofara zvikuru kuti tava kudzokera kuchikoro uye tinotsidza kunoshanda nesimba kuti tigopasa. Takava nezororo guru kwazvo asi apo neapo taipota tichiverenga tiri kudzimba,” anodaro Michelle Chinhanga ari kuita Lower 6 kuUzumba High.

Sakhile Siziba uyo ari kuita Upper 6 pachikoro chimwe chete ichi anoti vanoda mubhuku ekuverenga akakwana kuitira kuti vakwanise kuita zvidzidzo zveNew Curriculum zvakanaka.

“Tinoda mabhuku ekuverenga seGeography, History neLiterature nekuti mashoma chose. Tinoda zvakare makombiyuta akakwana kuti tinge tichifambirana neruzivo rwechizvino-zvino,” anodaro Siziba.

Rachael Takawongwa, uyozve ari kuita Upper 6 pachikoro ichi, anotsinhira kuti mabhuku ekurava anofanira kuwedzerwa muzvikoro.

Percy Kunyaki

“Tinochema kuti kudai paita madhona anotsigira zvikoro nemabhuku kuti tikwanise kunyatsodzidza New Curriculum,” anodaro.

Kuchiti Theresa Dick (16) ari kuita Fomu 3 paDriefonten Girls High iri kuMasvingo anotiwo anotarisira kupasa kuitira kuti mari inobhadharwa nevabereki vake iendere chiripo.

Gladys Machinga ari kuitawo Fomu 3 pachikoro chimwe chete ichi anoti mabhuku ekuverenga ndiro dambudziko guru, nekudaro zvikoro zvinofanirwa kutsigirwa zvizere.

Kozoti Percy Kunyaki wemuUpper 6 kuSt Marks High, kuMhondoro, anotiwo vari kufara kuti vave kudzokera kuchikoro uye pazororo vakanga vari mushishi kurava mabhuku.

Mashoko ake anotsinhirwa naThemba Tena uyo ari kuita Fomu 5 pachikoro chimwe chete ichi achiti dambudziko rekushomeka kwemabhuku ekuverenga rakakura muzvikoro, nekudaro rinofanira kugadziriswa nenguva.

“Tinoda kuti muzvikoro munge muchiitwa masemina nekuti anobatsira kuti pave nekugoveranwa kweruzivo pakati pevadzidzi nevadzidzisi uye vachidzidzawo zvinoitwa kune dzimwe nyika nemuno. Mabhuku anofanira kudhindiswa akawanda kuitira kuti tisaite zvekusheya,” anodaro.

Gladys Machinga

Zvichakadai, nguva pfupi yadarika Hurumende yakawana mabhuku ekuverenga evana neevarairidzi eNew Curriculum anokosha $9 miriyoni kubva kuvatsigiri vayo ayo akatotanga kuendeswa muzvikoro 3 000 zviri kumativi ose enyika nechinangwa chekuderedza kushomeka kwawo.doro vari mubhazi

Share This:

Sponsored Links