Tipeiwo mukana: Shereni

21 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Tipeiwo mukana: Shereni

Kwayedza

Abel Ndooka —
SHASHA yakambonetsa ichitambira nhabvu zvikwata zvinoti maWarriors, Dynamos FC uye Nantes yekuFrance – Harlington Shereni – anoti hutungamiri hwenhabvu hwemuno hunofanira kushanda nevanhu vakaita saBenjani Mwaruwari naPeter Ndlovu mukusimudzira mutambo uyu.

Shereni mumwe wevakatamba nhabvu yepamusoro izvo zvakamuona achitambira kuEurope kwemakore akawanda kuzvikwata zvinosanganisira SR Delemont yekuSwitzerland kozoti Istres, Guingamp, Nantes neStrausborg zvekuFrance.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Shereni anoti iye pamwe naBenjani naPeter kana vakawana mukana vane chido chaizvo chekusimudzira nhabvu yemuno.

“Tiripo kuti tibatsire nhabvu yedu iende kure ndochikuru, Benjani naPeter varipo vashandisei nekuti vakaona zvakawanda mukugara kwavakaita kuEurope kwemakore akawanda. Vanoziva vanhu vakawanda zvekuti tikavashandisa chaizvo munoona vakotsveri vakawanda vachiita kumhanyisana kuuya kuno kuzobatsira nhabvu yemuno isimuke iende kure,” anodaro.

Shereni anoti parizvino vatambi vazhinji vemumo havazi kushanda nesimba uye vari kutungamidza mari pamberi izvo zviri kuona vachidzipana pahuro nezvikwata zvavo nekuda kwenyaya yemari pavanenge vanonoka kubhadharwa muripo wavo.

Maitiro akadai, anodaro Shereni, anorakidza kusarongeka kwenhabvu yemuno.

“Kurongeka chaiko hatina muno munhabvu yedu ndicho chokwadi, tinozvionera vatambi nezvikwata vachimbosvika pakudzipana pahuro vachimboramba kuita gadziriro dzavo kana kuenda kumitambo vachiti tinoda mari.

“Vatambi mazuva ano vave kutungamidza mari pamberi asi hapana zvazvinovabatsira kana kwazvinovasvitsa. Tarisai muenzaniso wedu isu, takatambira kuEurope tikasangana nevatambi vakuru munhabvu, taishanda nesimba. Ukashanda nesimba uchizvichengetedza muviri wako zvakanaka mari inozouya pamberi apo uye yakawanda kwete shoma yaunowana muno. Ukatanga kuramba kutamba uchiti hauna kupihwa mari zvino zvikwata zvekunze zvinenge zvichida kukuona kuti zvikutenge zvinokuona sei?” anodaro.

Shereni anoti zvakakosha kusimudzira matarenda evechidiki munhabvu sezviri kuitwa kune dzimwe nyika dzemuAfrica dzakaita seZambia neSouth Africa.

“Muno hatione ramangwana, tinongotarisa zviri kuitika panguva iyoyo chete. Kana tisingakoshese vechidiki nekuvabika matarenda avo hapana kwatiri kuenda, tinenge tichizvinyepera,” anodaro.

Mukushi wemashoko kusangano reZifa, Xolisani Gwesela, anoti vanokoshesa zvikuru shasha dzakaita mukurumbira munhabvu uye vanotambira nemawoko maviri kana dzichida kubatsira kusimudzira mutambo uyu.

“Isu hativharire munhu panze, kana vatambi vakaita mukumbira kare vachida kutibatsira tinotofara chaizvo uye tinovatambira nemawoko maviri. Tinovakoshesa zvikuru,” anodaro Gwesela

Zvakadai, Shereni panguva yake akatamba nhabvu munhandare dzine mbiri dzekuEurope, akasangana nevatambi vakawanda vane mukurumbira vakaita saDidier Drobga uye ari kuFrance akatamba nemutambi weArsenal Laurent Koscienly kuGuinamp pamwe chete naFlourent Malouda uyo akazotambira Chelsea.

Ari kuNantes, akasvika pakugadzwa kuitwa kaputeni wechikwata ichi akachitungamira kusvika azobva.

KumaWarriors, Shereni aive muchikwata chekutanga cheZimbabwe chakabudirira kuenda kunokwikwidza kumakwishu eAfrica Cup of Nations mugore ra2004 kuTunisia.

Zvisinei neMukurumbira waakaita uye pfuma yaakawana achitambira kuEurope, Shereni anoti chinhu chimwe chete chaanokoshesa chaakawana munhabvu kuzivana nevanhu avo anoti vakamudzidzisa zvakawanda.

“Vanhu vandakasangana navo kunze uko vakandidzidzisa zvakawanda, handidi kunyepa. Vakandidzidzisa chinonzi rukudzo uye ukashanda nevamwe vane mazita makuru zvinokutuma wega kuti utange kushanda nesimba kuti ugobudirirawo muhupenyu hwako,” anodaro.

Muchinda uyu handiye ega kubva kumhuri yekwaShereni akatamba nhabvu sezvo mun’inina wake – Edmore – parizvino ari kutambira kuPoland.

Mwana wake, Tyrone, ari kuSwitzerland uko ari kutamba kune chimwe chikwata cheUnder-12.

Shereni anoti anoziva chaizvo kuoma kwakaita hupenyu hwemutambi wenhabvu saka ari kushingaira kuti agobatsira kusimudzira vatambi vemangwana.

“Ndinoziva chaizvo kuti hupenyu hwemutambi hwenhabvu hwakaoma zvikuru, ini ndakararama nhabvu hupenyu hwangu hwese saka ndinoda chaizvo kuti ndisimudzire pamwe nekugadzirisirawo kuti vatambi vemangwana vave nehupenyu hwakanaka.

“Manje-manje tine zvatiri kuronga musatye garai makatarisira,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links