Tiri kusimudzira dzidzo: Dokora

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Cde Lazarus Dokora, vanoti Hurumende iri kushanda nesimba mukusimbaradza chikamu chedzidzo izvo zvaona Zimbabwe ichienda pamusoro muAfrica yose mukuva nevanhu vanogona kunyora nekuverenga, zvisinei nezvirango zveupfumi zvisiri pamutemo zvayakatemerwa nedzimwe nyika dzekumadokero.

Vakataura mashoko aya svondo rapera mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weBulawayo East mudare iri, Muzvare Thabita Khumalo, avo vaida kuziva matanho ari kutorwa neHurumende zvichitevera kuwanda kwevadzidzi vasiri kubudirira mubvunzo dzakaita sedzeGrade 7, O- ne A-Level.

Muzvare Khumalo vaida kuziva kuti sei vadzidzi vasiri kubudirira mubvunzo, zvisinei nekuti Hurumende yakaisa runyoro rwayo pachisungo chakaitwa nenyika dzemuAfrica kuDakar, kuSenegal mugore ra1994 — cheNational Plan of Action for Education for All by the Year 2000.

Cde Dokora vakati zvichitevera chisungo ichi, nyika dzakawanda dzemuAfrica, kusanganisira Zimbabwe, dzakatora matanho akananga kusimudzira dzidzo.

Vakati izvi zvakaona Hurumende ichivaka zvikoro zvitsva uye pari zvino Zimbabwe ine vashandi vakadzidzira basa vanokwana 140 000 muzvikamu zvakasiyana zvemabasa.

“Izvi zvaona Zimbabwe ichienda pamusoro pedzimwe nyika dzemuAfrica panyaya yekugona kuverenga tiine chikamu che92% chevanhu vanogona kuverenga. Hatisi kugutsikana nechidanho chatiri ichi nekuti pane zvimwe zvatinofanira kunge tichishanda nesimba mukuzvisimudzira, zvakaita sekudzidza kwevana kuburikidza nemaICT’s (E-learning) pamwe nekudzidzwa kwemasvomho,” Cde Dokora vakadaro.

Muzvare Khumalo vakabvunza zvakare kuti sei vadzidzi vave kutanga kusabudirira mubvunzo izvo zvaisaitika kare.

Cde Dokora vakati zvikonzero zvinogona kuita kuti vadzidzi vasabude zvakanaka mubvunzo zvinosiyana-siyana uye zvinosanganisira kusamira zvakanaka kweupfumi hwenyika nekuda kwezvirango zvehupfumi zvakatemerwa Zimbabwe nedzimwe nyika dzemumadokero.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>